Accessibility links

Breaking News

VaMudede Votanga Kunyoresa Vanhu Zvitupa Kuti Vakwanise kuVhota


VaTobaiwa Mudede
VaTobaiwa Mudede

Mabharani mukuru wehurumende VaTobaiwa Mudede vanoti hofisi yavo ichatanga kutoresa vanhu zvitupa nekupa kutanga neMuvhuro. Vachitaura nevatori venhau muHarare nemusi weChipiri, VaMudede vanoti chirongwa ichi chichapera musi wa 30 Mbudzi uye chakanangana nesarudzo dza2018.

Zvichakadaro, sangano rinomirira kodzero dzemadzimai reWomen’s Coalition of Zimbabwe rinoti madzimai munyika yose ari kutarisana nematambudziko makukutu mukuyedza kuti vanyorese kuvhota kana kukwikwidza musarudzo. Izvi zvabuda pamusangano wakaitwa maMutare nemusi weMuvhuro.

Amai Lucia Mutetwa vanova nhengo yeWomens Coalition of Zimbabwe vanoti mamwe mapepa anodiwa pakunyoresa kuvhota anonetsa kuti madzimai akwanise kuawana.

“Chekutanga, isusu semadzimai vazhinji vedu hatinaba zvitupa, saka kazhinji kacho tinoitwa disadvantaged patinoenda kunovhota, kechipiri isisu semadzimai tinotongwa navana baba saka tinoterera zvavanenge vataura saka vakati enda ndinoenda vakasati enda handiendi saka ndozimwe zvinotibatirira.”

Muzvare Nomatter Mapugwana anoshanda nerimwe sangano rinorwira kodzero dzavanhu anoti nyaya yemhirizhonga uye kubatwa chibharo kwevanhukadzi kunopa kuti vasade kuva nechekuita nesarudzo dzinoitwa munyika.

“Panhau yekuti madzimai haazi kunovhota muhuwandu inyaya yekutya, it is because of fear; kana munhu akambotyityirwaka pfungwa dzake pamwe ne-mindset yake inenge yotomuti kana ndikaenda ndikazoonekwa nanhingi vanozoti kudii.”

Amai Prisca Kwaedza vakapindawo mumusangano uyu vanoti nzvimbo dzekuvhotera hadziremekedze kodzero dzevanhu vakaremara.

“Imwe nyaya yatinayo ndeyevamwe vedu vachembera vasingachaoni, nevamwe vasingakwanisi kufamba vanonzi imi hamuoni machembera, hamufambi sarai kumba. Vanotizve, “Vanoona vaya vomhanya havo vonovhota voga; saka tiri kuti kana kukavawo nenzvimbo dziri more and more disability friendly mumapolling stations nemacentres zvingatinakira.”

Amai Selina Tabveseri, inhengo yebhodhi resangano reNational Association of Non-Governmental Organisation, vakarerekera kunyaya dzemadzimai.

Amai Tabveseri vanoti misangano iyi vari kuyiita nyika yose nechinangwa chekuti pave nekugadzirisa nhunha dzakatarisana nemadzimai munyaya dzekuvhota uye kunyoresa kuvhota pamwechete nekuti pave nemadzimai akawanda anomira muzvidanho zvematongerwo enyika.

“Musangano uno wange uri wekuonesana the roadmap to elections, wakanangana nemadzimai kuti wanhu tiziwe kuti kana tava kuenda kuma-elections zvii zvatinofanirwa kuita zvii zvatinofanira kuziva, vanofanirwa kuziva kuti vano-register mazita avo vanofanirwa kusimudzirana kupinda muzvigaro semadzimai.”

Zimbabwe imwe yenyika dzepasi rose dzine bumbiro remutemo wadzo rinoti zvigaro zvematongerwo enyika uye mumabasa ose munofanirwa kunge muine kuenzaniswa kwemikana yezvigaro pakati pevanhurume nevanhukadzi pane zvimwe zvigaro. Kunyangwe hazvo izvi zviri mubumbiro, Zimbabwe haisati yakwanisa kuzvizadzikisa.

Nyika yeRwanda chete ndiyo inozivikanwa kuti yakwanisa kuita zviri nani pakuwanisa madzimai mikana yakaenzana muparamende mayo umo mune madzimai akawanda kana kuenderana nevanhurume.

Nyaya Ina Loirdham Moyo
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:49 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG