Accessibility links

Breaking News

Masangano eVechidiki Okurudzira VaMnangagwa Kunzwa Zvido Zvavo


Zimbabwe Political Turmoil
Zimbabwe Political Turmoil

Masangano akazvimiririra, vedzisvondo, vadzidzi nevanorwira kodzero dzevashandi vari kuungana muHarare neChishanu pasi pe "The National People’s Convention” kuitira kuti veruzhinji vawane mukana wekutaura zvido zvavo negwara ravanotarisira kuti nyika itore.

Vachitaura mushure memusangano wavaita nevatori venhau muHarare, VaClaris Madhuku, avo vanotungamira vechidiki muCrisis Coalition, vati vaona zvakakodzera kuti ruzhinji rweZimbabwe rwutaure zvido zvavo kwete kumirira kungotevera zviri kudiwa nemapato ezvematongerwo enyika.

VaMadhuku vatiwo vanga vakagara vakaronga musangano wavo uyu zvekugadzwa kwemutumgamiriri wenyika kuri kuitwawo mangwana zvisati zvazivikanwa. VaMadhuku vati vachaenderera mberi nemusangano wavo.

Mukuru weZimbabwe National Students Union, VaAlistair Pfunye, vatiwo havasi kuendawo kuri kugadzwa VaMnangagwa nekuda kwechironga che The National People’s Convention kuitira kuti vakwanisewo kusunga zvisungo zvavanoda sevechidiki nevadzidzi.

VaPfunye vatiwo pari zvino sangano revadzidzi harinawo kuwana tsamba yekukwokwa kuri kugadzwa mutungamiriri wenyika.

Asi VaPfunye vatiwo sevadzidzi vari kutarisira kuti VaMnangagwa vagadzirise matambudziko akatarisana nevadzidzi nevechidiki nechimbi chimbi.

Masangano aya atiwo bato reZanu PF rinofanirwa kurangarira kuti vamwe vevanhu vairatidzira kubva Mugovera wapera havanei nebato iri asi kuti vaida kugadzirisa nyika yeZimbabwe.

Vati VaMnangagwa vanofanirwa kuziva kuti vanofanira kuzadzisa zvishuviro zvemunhu wese kwete zveZanu PF chete.

Nyaya Ina Patricia Mudadigwa
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:54 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG