Accessibility links

Breaking News

Vatori veNhau veNewsDay Votarisirwa Kumiswa Mudare Vachinzi Vakazvidza VaMugabe?


VaRobert Mugabe
VaRobert Mugabe

Vatori venhau veNewsDay vari kutarisirwa kumiswa pamberi pematare edzimhosva chero nguva vachipomerwa mhosva yekuzvidza hofisi yemutungamiri wenyika.

Kumiswa kwavo pamberi pematare kuchaitwa pachishandiswa masamanisi.

Izvi zvinotevera kusungwa nemapurisa neChishanu kwevashandi vekambani yeAlpha Media Holdings, iyo inodhinda bepanhau reNewsDay.

Vakasungwa neChishanu ava vachibva vaiswa mumaoko emagweta avo mupepeti wenhau, Wisdom Mudzungairi, nemutori wake wenhau, Richard Chidza, uye mumiriri wekambani, Sifikile Thabete.

Vatatu ava vari kumirirwa negweta ravo, VaObey Shava, avo vabvuma kuti vatatu ava vaiswa mumaoko emagweta avo kuitira kuti vazoenda kumatare pachishandiswa masamanisi.

Bepanhau reNewsDay rakaburitsa nyaya yekuti mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vakabuda zvechimbi chimbi munyika vachienda kuSingapore kunorapwa.

Rakatiwo VaMugabe vanoenda kunorapwa maziso avo kuSingapore nguva dzose, asi kune mamwe mashoko ari kubuda anoti VaMugabe vari kunetsekana nechirwere chegomarara repanhengo dzemunhurume.

Chipangamazano munyaya dzekutorwa kwenhau kuMisa – Zimbabwe, VaNyasha Nyakunu, vati havatarisiri kusungwa kwevatori venhau munyaya dzakadai.

VaNyakunu vati kushungurudzwa nekusungwa kwevatori venhau kwange kwaderera zvikuru izvo zvanga zvichivafadza sesangano.

Munyori mukuru weZimbabwe Union of Journalists, VaFoster Dongozi, vashorawo kusungwa kwevatori venhau ava vakakurudzira kuti hurumende inofanirwa kubudisa pachena zvinenge zvichiitika pamutungamiri wenyika kana vabvunzwa nevatori venhau.

Asi hurumende inoti vatori venhau ava vakatyora mutemo nekuzvidza hofisi yemutungamiri wenyika kuburikidza nezvavakanyora.

Mutauriri waVaMugabe, VaGeorge Charamba, vakaudza mapepa ehurumende kuti VaMugabe vaive vagara vachifanirwa kunoonekwa nanachiremba vavo.

Vatori venhau veNewsDay ndivo vekutanga muna 2017 kusungwa nemapurisa vachipomerwa mhosva yekutyora mutemo vachiita basa ravo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:21 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG