Accessibility links

Breaking News

Bato reFORUS Rinoparura Zvinangwa Zvaro


Manyara Irene Muyenziwa

Bato reFreedom of Rights Under Sovereign, kana kuti FORUS, nhasi raparura gwaro rine zvinangwa zvaro pamberi pesarudzo dzemuna 2023, richiti rakatarisira kutora masimba kubva ku bato reZanu PF.

Vachiparura gwaro iri pamberi penhengo dzichakwikwidza dzakamirira bato iri musarudzo dzeparamende, mutungamiri webato iri, Muzvare Manyara Irene Muyenziwa, vati havasi kufara kuti zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika hazvisi kubvumidzwa kuvhota musarudzo vachiti vachatanga kufambira nyaya iyi mumazuva mashoma ari kutevera.

Muzvare Muyenziwa vati pane zvakawanda zvinofanira kuvandudzwa sarudzo dzisati dzaitwa zvinosanganisira mitemo inobata nyaya dzesarudzo pamwe nekunyoreswa kwevanhu sevavhoti.

Amai Manyara Irene Muyenziwa - FORUS
Amai Manyara Irene Muyenziwa - FORUS

Vatiwo bato ravo harisi kuzopindawo munhaurirano neZanu PF pasi pegungano rePolitical Actors Dialogue vachiti ivo nebato ravo vane mhinduro kumatambudziko ose ari kutarisana nenyika vachiti zviri kunetsa vachazvigadzirisa kana vakapinda panyanga.

Muzvare Muyenziwa vatiwo madzimai anofanira kupihwa mikana yakafanana nevanhurume zvikurusei muzvigaro zvemuhurumende.

Zvichakadai, VaAustin Nyakupinda, avo vanoshanda nesangano reUnemployed Youth Organization, vakurudzira Muzvare Muyenziwa nebato ravo kuti vasaite zvinoita mamwe mapato ezvematongerwo enyika kuti anongonzwika nezvawo panenge poitwa sarudzo chete.

Pakuparurwa kwemanifesto panga paine vadzidzi vakaita saMunadhe Huni uyo anodzidza paChinhoyi University of Technology uyo ati ane tarisiro yekuti bato reFORUS richagadzirisawo matambudziko ari kusangana nevechidiki anosanganisira nyaya dzemabasa nezvimwe.

Gwaro rezvinangwa zvebato reFORUS raparurwa nhasi iri rinojekesa hurongwa hwebato iri kuti richagadzirisa sei hupfumi hwenyika, kuchengetedza kodzero dzevanhu, nyaya dzekurima, zvemigodhi, mabasa, dzidzo, kushanduka kwemamiriro ekunze, kutakurwa kwezvinhu nezvimwe zvakanangana nebudiriro.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG