Accessibility links

Breaking News

National Patriotic Front Inoti Ichakunda Zanu PF Musarudzo


Mutungamiri weNPF, VaAmbrose Mutinhiri
Mutungamiri weNPF, VaAmbrose Mutinhiri

Bato rinofungidzirwa kuti rinotsigirwa naVaRobert Mugabe, re National Patriotic Front, NPF, rinoti richasunga mbira dzakoto Zanu PF pamwe nemutungamiri wayo, VaEmmerson Mnangagwa, musarudzo dzichaitwa gore rino.

Vachitaura pamusangano wavo wekutanga wehutungamiriri hwedunhu reMasvingo paCharles Austin Theater neChishanu, vakuru veNPF vati VaMangagwa nevamwe vavo vachakundwa muzvigaro zvavachakwikwidza munyika.

Mukokeri wemisangano muNPF, VaJeepy Jaboon, vaudza vatungamiri vabva kumatunhu manomwe edunhu reMasvingo kuti bato ravo rine rutsigiro rwakawanda kusanganisira nhengo dzeparamende nemakanzura achiri muZanu PF.

“Tiri kushanda navo ma MP vane maCV avo akakunda muZanu PF ndevedu tine hurongwa navo, handitauri zvakawanda ma CIO aripano, tine makunzura imomo tinoziva patinoda kudira Jecha, regai maMP iwayo akanzi apinde ne Junta apinde tondosanga muballot,” vadaro VaJaboon.

Mutauriri we NPF, VaJelous Mawarire, vati VaMnangagwa havana chavanowana muMasvingo vachiti bato ravo ndimo marakasimbisisa.

“Vanoti Mnangagwa muKaranga ndovasingazivi haasi ,muZambian, Kuno ndokwatinoda kuratidza kuti Mnangagwa haanongi kana chunhu, kuno ndokwatakasimbira,” vadaro VaMnangagwa.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi raVaMnangagwa panyaya iyi.

Mutevedzeri wemukokeri wemisangano weNPF munyika, VaJimmy Kunaka, vati hurumende yaVaMnangagwa haisi pamutemo nekuti yakapinda nekubvuta simba ichishandisa mauto nekudaro vanhu vachaibvisa vachishandisa vhoti.

“Vakaita zvakanaka ndovakatidzidzisa, handiti makore ose tange tisingazivi kuti ku state house kunosvikika ivo vakati handei tinobvisa VaMugabe kustate house, saka isuwo tiri kuti nezuva ravachadeedzera election handei tinovabvisa ku state house nevhoti nekuti vakapinda zvenharo , we are ready to defend this country,” vadaro VaKunaka.

VaJaboon vati sezvo vave mubato rinopikisa, hutungamiriri hwavo huchapinda muvanhu vachivabvunza kuti vopinda mumubatanidzwa here nemamwe mapato anopikisa.

Vakurudzira vanhu kuti vasatye kushungurudzwa nevatsigiri vaVaMnangagwa avo vari kushandisa mauto senzira yekunyaradza vanopikisa.

NPF yati yave mubishi rekugadzadzirira kongiresi zvichitevera kuumbwa kwayo.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:28 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG