Accessibility links

Dzimba Dzosara Dzisana Mvura kwaMutare

  • Loirham Moyo

Mutare Civic Center

Vagari vekwaMutare vari kunyunyuta zvikuru nekuvharirwa mvura kwavari kuitirwa nekanzuru yeguta iri zvichitevera kutadza kwavo kubhadhara mari yemvura.

Vagari vavharirwa mvura kusvika pari zvino vave kusvika zviuru gumi kubva pakatanga chirongwa ichi svondo rapera.

Vagari vemaMutare vanoti havachina pekutangira zvichitevera kuvharirwa mvura nekanzuru yavo.

Mumwe mugari wemumusha weHobhouse akatarisana nedambudziko rekushaya mvura yemumba, VaElisha Musabayana, vanoti zvakaitwa nekanzuru hazvina musoro nekuti kuvharira vanhu mvura zvichizopa kuti pazove nezvirwere.

VaMusabayana vanoti vane chikwereti chemvura chemazana akawanda emadhora asi chiri kunetsa inyaya yekuti vakuru vekanzuru vari kuramba kutaurirana navo kuti vabhadhare pashoma nepashoma kudzamara vapedza kubhadhara chikwereti ichi.

Mumwe mugari akavharirwawo mvura svondo rapera, VaEdward Manyungwaidze, vanoti kanzuru inosungirwa kuita zvinhu zviri pamutemo kuburikidza nekuita misangano nevagari ichivaudza dambudziko rayo, vagari vachipawo nhunha dzavo, potsvagwa nzira dzekugadzirisa dambudziko riripo.

Mumiriri wevagari musangano reMutare Residents and Ratepayers Association, VaDavid Mutambirwa, vanoti kuita kwekanzuru kunotyora kodzero dzevagari.

Gweta rinorwira kodzero dzevanhu rinoshanda neZimbabwe Lawyers for Human Rights, VaPassmore Nyakureba, vanoti zviri kuitwa nekanzuru zvinotyora mitemo yezvekotongwa kwematunhu pamwe nekodzero dzevanhu.

Asi meya weguta reMutare, VaTatenda Nhamarare, vanoti kunyange hazvo kuita kwekanzuru yavo kuri kunze kwemutemo, vagari vave nenguva yakareba vachitadza kubhadhara mitero yemvura.

VaNhamarare vanoti kuti kanzuru iende kumatatre kuti iwane court order yekuvharisa mvura kuvagari zviri pamutemo, zvinovatorera nguva yakareba.

Guta reMutare rakatarisana nematambudziko ekushaya mari yekubhadhara vashandi vayo, uye vagari vane chikwereti chinosvika mamiriyoni makumi maviri emadhora.

Nyanzvi munyaya dzehupfumi dzinoti matambudziko akatarisana neguta reMutare, matambudziko akatarisanawo nemamwe maguta ari munyika zvichitevera kuondomoka kwehupfumi hwenyika izvo zviri kupa kuti vanhu vasave nemabasa anovapa mari yekuti vakwanise kurarama hupenyu hwakanaka.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG