Mabhizinesi akawanda kwaMutare ari kutama kubva mukati meguta sezvo mitero yekubhadhara zvivakwa muguta yakawandisa.
Vazhinji vemabhizinesi ava vari kuvhura nzvimbo itsva dziri kumucheto kweguta uko vanoti kwakachipa.
Pakatanga mwedzi waNdira gore rino zvitoro zvinopfuura gumi zvakabvisa mizinda yazvo pakati peguta nekuda kwezvikonzero zvakasiyana siyana. Zvimwe zvezvikonzero izvi zvinosanganisira kusafamba zvakanaka kwebhizinesi uye kukwira kwemari dzemitero yerendi.
Sachigaro wekambani inonzi Valise Consultancy inoona nezvemabhizinesi maMutare, VaPaul Kapesi, vanoti mabhizinesi akawanda ari kuomerwa zvakanyanya izvo zviri kupa kuti vamwe vabude muguta vachienda kune dzimwe nzvimbo dzakaderera pamari yerendi.
VaKapesi vanoti ishuviro yavo kuti vana muzvinamabhizinesi vane zvivakwa muguta vaderedze mari dzemitero inoenderana nemamiriro akaita nyaya dzezvehupfumi munyika.
Vanoti kubva pakatanga kushandiswa mari yekunze, vazhinji havana kumbobvira vaderedza mari yemitero asi kuti vaitoikwidza zvakanyanya.
Mitero yemahofisi muguta reMutare inowanzoita madhora ari pakati pemazana mashanu nezviuru zviviri pamwedzi zvichienderana nemakuriro akaita hofisi yacho.
Kubva mukutanga kwegore kambani inotengesa mafoni uye makombiyuta yeGoldtech, bhucha reChino-Zim, kambani yeColcom nemamwewo ane chitsama, akabva muguta vachienda kusingadhuri. Vamwe vemakambani vakabva vavhara zvachose.
Nyanzvi munyaya dzehupfumi dzinoti hupfumi hwenyika hauna kunge hwakamira zvakanaka munyika gore rapera izvo zvakapa kuti makambani akawanda atadze kuvhurwa gore rino.
Gurukota rezvemari, VaPatrick Chinamasa, vanoti nepamusana pekuoma kwezvinhu, bhajeti remabhiriyoni mana nemamiriyoni zana emadhora ravakanga vatura gore rino, rava kudzikiswa kusvika pamabhiroyoni matatu nemazana mashanu emamiriyoni emadhora.