Accessibility links

Breaking News

Mimhanzi Yoshandiswa Mukukurudzira Veruzhinji Kunyoresa Kuvhota


Jah
Jah

Masangano eElections Resource Centre pamwe neZimRights akaparura chirongwa chekukurudzira vanhu kunyoresa kuvhota vachishandisa vaimbi vane mukurumbira vakaita sana Soul Jah Love, Guspy Warrior nevamwe.

Vachitaura apo vaiparura chirongwa ichi paChigovanyika kuChitungwiza nemusi weMugovera, mukuru weElections Resource Centre, VaTawanda Chimhini, vakati vakatanga chirongwa ichi mushure mekuona kuti hapana ruzivo rwakakwana pamusoro pechirongwa chekunyoresa vavhoti cheBiometric Voter Registration icho chiri kuitwa neveZimbabwe Electorla Commission.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:49 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

VaChimhini vakati vakaona zvakakodzera kushandisa vaimbi vanofarirwa neveruzhinji kuti vakurudzire vanhu kunyoresa kuvhota vachiti izvi zvichaita kuti vakawanda zvikuru sei vechidiki vanoyrese kuvhota.

VaChimhini vakati chirongwa ichi chichaitwa munzvimbo dzese munyika zvikuru sei kumaruwa nechinangwa chekuti wese anokodzera kuvhota anyorese kuve mugwaro revavhoti.

Mukuru we ZimRight, VaOkay Machisa, vakati vanhu vanofanira kuziva kodzero dzavo pasurudzo uye havafaniri kutyityidzirwa.

VaMachisa vakatiwo zvakakosha kuti vanhu vawone kuti vanyoresa panzvimbo chaidzo dzavanoda kuvhotera.

Vakatiwo sangano ravo riri kuongorora nyaya dzekuti pane mamwe masabhuku ari kubhadharisa vanhu kuti vavasainire magwaro anoratidza kwavanogara, vakati Zimrights ichamhan'ara nyaya iyi kumapurisa kana yave nehumbowo.

Elvis Tatenda uyo akatonyoresa kuvhoita akati chirongwa cheERC neZimrights chakanaka chose sezvo chichipa ruzivo pamusoro pezvinodiwa kuti vanhu vanyorese kuvhota.

Mutevedzeri wasachigaro weMDC inotungamirirwa naVaMorgan Tsvangirai, VaMorgan Komichi, vakayememura chirongwa ichi vachiti chinofanira kupararira nenyika yose.

Vaimbi vane mukurumbira, Soul Jah Love, Guspy Warrior nevamwe vakatandadza veruzhinji nemumhanzi wavo uye mukuridza imomo vaipota vachikurudzira veruzhinji kutiu vanyorese kuvhota.

ZEC iri kunyoresa vanhu vose vanoda kuvhota gore rinouya musarudzo.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG