Accessibility links

Breaking News

VaMushowe Vanokundikana Zvakare Kumira Pamberi peKomiti yeParamende


Journalists marking press freedom in Zimbabwe. (Photo: Irwin Chifera)
Journalists marking press freedom in Zimbabwe. (Photo: Irwin Chifera)

Gurukota rezvekuburitswa kwemashoko, VaChristopher Mushowe, neChina vatadza zvekare kuuya kukomiti yeparamende kuti vazotaura matanho ari kutorwa nehurumende mukugadzirisa mitemo inombunyikidza vatori venhau pamwe nekusunungura masai sai ematerevhizheni.

Nhengo dzeparamende kubva kubato rinopikisa pamwe nemasangano anomirira vatori venhau varatidza kutsamwa kukuru nenamaitiro aVaMushowe avo vakatadza kuuya kudare iri svondo rapera mushure mekunge vakokwa nekomiti yeparamende.

Imwe nhengo yekomiti iyi, uye vachimirira Mabvuku, VaJames Maridadi veMDC-T, vati kuita kwaVaMushowe kuri kudzorera shure nyaya dzekugadzirisa mitemo inombunyikidza vatapi venhau.

Mukuru wesangano rinomiriria nhepfenyuro dzemumatunhu, reZimbabwe Association of Community Radio Stations, Muzvare Vivian Marara, vatiwo zvinoratidza kuti VaMushowe havana chido chekusandura mutemo yekutapwa kwenhau munyika.

Muzvare Kholiwe Majama Nyoni veMedia Institute of Southern Africa – Zimbabwe vashorawo kuita kwaVaMushowe.

Vatiwo komiti yeparamende iyi haifaniri kurega VaMushowe vachiita madiro aJojina uye inofanira kutora matanho akaoma kuti VaMushowe vauye kudare iri.

Vanoona nzvekufambiswa kwebasa musangano Media Alliance of Zimbabwe, VaNigel Nyamutumbu, vati kunyange hazvo vasiri kufara nemaitiro aVaMushowe, vanoonawo sekuti komiti yeparamende iyi haisi kuita basa rayo nemazvo.

Pavabvunzwa kuti vachaita sei naVaMushowe, sachigaro wekomiti iyi, VaWilliam Dhewa, vati VaMushowe vabatikana uye vanofanira kupihwa nguva.

Hatina kukwanisa kutaura naVaMushowe kuti tinzwe kuti sei vari kutadza kuuya kuparamende.

Kunyange hazvo mamwe mapazi ehurumende ari kuunza mabhiri kuparamande kuti mitemo iri pasi pawo isaundurwe kuti ifambirane nebumbiro remitemo yenyika, bazi raVaMushowe harina kana bhiri rarakaunza kudare kubva muna 2013 pakagadzwa bumbiro idzva.

VaMushowe vange vachitarisirwa kuti taura kuti mitemo yakaita seAccess to Information and Protection of Privacy Act, Broadcasting Services Act nemimwe ichasandurwa riini.

VaMushowe vange vachitarisirwawo kutsanangura kuti sei marezenezi eCapitalk neNyaminyami ayo akapihwa kukambani yeKingstons ave kushandiswa nekambani yeZimpapers.

Masangano anomiriria vatori venhau azivisa kuti achaita musangano wechimbi chimbi kuti aronge kuti angaite sei naVaMushowe.

Zvichakadai, komiti iyi svondo rinouya ichashanyira nhepfenyuro dzose ichiona kuti dziri kushanda sei.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:15 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG