Accessibility links

Breaking News

Amai Mujuru Vokurudzira Hurumende Inosarudzwa neVanhu


Vari kutungamira mubatanidzwa wePeople Rainbow Coalition, vari zvakare vari mukuru weNational People’s Party, Amai Joice Mujuru, vanoti rusunguko chairwo rwenyika runouya chete kuburikidza nesarudzo dzejekerere.

Vachitaura pamusangano wavaita nevatori venhau neChina masikati muHarare, Amai Mujuru varamba kutaura zvavanofunga pamusoro pezvakaitwa nemauto.

Asi vati veruzhinji vari kutarisira kuti pamhedzisiro yezviri kuitika munyika, munhu achatungamirira anofanirwa kupihwa masimba kubudikidza nekuiswa pachigaro neveruzhinji.

Amai Mujuru vati zvizvarwa zvese zveZimbabwe zvinofanirwa kupihwa mukana wekunonyoresa kuvhota pasina kushungurudzwa kana kubvunzwa mibvunzo yenhando sezviri kuitika.

Amai Mujuru vakurudzirawo kubatana kwemapato ese, vedzisvondo, vashandi, vadzidzi neveruzhinji kuitira kuti kuitwe hurukuro yekuti Zimbabwe yofambira mberi sei.

Amai Mujuru vaudzawo vatori venhau kuti kubva mauto zvaatanga kutonga munyika neChipiri, havana ruzivo kuti chii chiri kuitika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:25 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Kunyange hazvo kuri kutaurwa kuti kungangoita hurumende yemubatanidzwa ingangosanganisira ivo vati hapana akambotaura navo nezvenyaya iyi.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG