Accessibility links

Breaking News

Amai Mujuru Vanoti Vari Kushanda naVaTsvangirai


Vakafanobata chigaro chemutungamiri webato rinopikisa reNational People’s Party, kana kuti NPP, Amai Joice Mujuru, vanoti havasi kuzopedza nguva yavo vachishushikana nekubatana nemapato anopikisa akawanda anyuka munyika vachiti mapato aya ari kugadzirwa neZanu PF kuti avhiringidze zvinhu.

Vachitaura pamusangano webazi ravo remadzimai muMasvingo, Amai Mujuru vati ivo vachaisa simba ravo pakubatana ne MDC inotungamirwa na VaMorgan Tsvangirai nekuti vane vatsigiri vazhinji uye vane nhoroondo yakasimba yekutungamirira vanhu.

Amai Mujuru vati mapato mazhinji amera munyika sehowa mabasa eZanu PF iyo inoda kuti kubatana kwemapato anopikisa kusabudirira zvakanaka.

Vatiwo bato ravo rava pedyo nekunyorerana chibvumirano chekubatana neMDC-T.

Vatiwo musangano wavo uri kukoshesa kubatana nemapato ane musoro, kuitira kuti pave nemunhu mumwe chete achakwikwidzana nemutungamiri we Zanu PF, VaRobert Mugabe, pasarudzo yemutungamiri wenyika.

Amai Mujuru vatiwo havana dambudziko rekuti VaTsvangirai vatungamirire mubatanidzwa wavo vachiti murume uyu ane humbowo hwekugona kutungamirira sezvo ane rutsigiro rukuru munyika.

Amai Mujuru vatiwo VaMugabe vakwegura zvekuti havachakwanisi kuramba vachitonga izvo zviri kuita kuti nyika irambe ichiondomoka.

Vachitaurawo pamusangano uyu, vakafana kubata chinzvimbo chasachigaro webazi remadzimai muNPP, Amai Marian Chombo, vatiwo bato ravo richakurudzira kuti musaradzo dza 2018 rinoda mikana yakafanana kuitira kuti madzimai apinde pazvigaro uye mubatandizwa wemapato uzviremekedze.

Apo Amai Mujuru vanga vari kuMasvingo, mutauriri webato ravo, VaJealousy Mawarire, vanyora tsamba yekusiya basa zvichitevera mhirizhonga yakaitika svondo rapera pakati pavo VaMawarire naVaGift Nyandoro, avo vanonzi ndivo mutauriri waAmai Mujuru.

Studio7 haina kukwanisa kubata VaMawarire kuti tinzwe zvizhinji.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG