Accessibility links

Breaking News

Amai Mujuru Votsigirwa neDARE Kuti Vatungamire Mubatanidzwa weMapato Anopikisa


Joice Mujuru
Joice Mujuru

Vaimbova mutevedzeri wemutungamiri wenyika, Amai Joice Mujuru, vatsigirwa nebato reDemocratic Assembly for Restoration and Empowerment, kana kuti DARE, kuti vave mutungamiri wemubatanidzwa wemapato anopikisa.

Izvi zvabuda pamusangano waitirwa muHarare pakati pebato re National People's Party ne DARE, iro riri kutungamirwa naVa Gilbert Dzikiti.

VaDzikiti vati bato ravo ratora danho rekuti ritsigire Amai Mujuru kuti vave mutungamiri wemubatanidzwa wemapato anopikisa uri kuda kuwumbwa kuti ukwikwidzane naVaMugabe neZanu PF musarudzo dzegore rinouya.

Kunyange hazvo Amai Mujuru vakanyorerana chibvumirano chekushanda pamwechete nemutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dzinoti zvave pachena kuti pangangoita mibatanidzwa miviri pamberi pesarudzo umwe uchange uchitungamirirwa naVaTsvangirai umwe naAmai Mujuru.

Asi mutauriri weMDC-T, VaObert Gutu, vati sebato pachine nguva yekuti nhaurirano pakati pemapato dzimboenderera mberi.

Imwe nyanzvi mune zvematongerwo enyika uye vachishanda vakazvimirira, VaRashweat Mukundu, vanoti VaTsvangirai naAmai Mujuru vakabatana vane mukana wakakura kwazvo wekukunda Zanu PF musarudzo.

Vati vakapinda musarudzo dzegore vari zvikwata zviviri zvinogona kuita kuti vapatsanure mavhoti zvinopa VaMugabe nebato ravo mukana wekudzokera mumasimba.

Vachitaura pamusangano wavaita nevatori venhau pamuzinda webato ravo muHarare, Amai Mujuru, avo vari kufanotungamira bato reNational People’s Party, vati sarudzo dzekwaChiwundura hadzina kufambiswa zvakanaka sezvo vachiti sarudzo idzi dzakabiririrwa zvemhando yepamusoro-soro.

Kunyange hazvo bato ravo risina kukwikwidza musarudzo idzi, Amai Mujuru vati humbowo hwakaburitswa nemasangano aiongorora sarudzo idzi hunoratidza kuti sarudzo idzi hadzina kufamba zvakanaka sedzemuna 2013.

Amai Mujuru vati nepamusana pezvakaitika kuti Chiwundura zvekuti vavhoti vakange vakanyoreswa ruviri-ruviri, pane mukana wakakura chaizvo kuti sarudzo idzi dzakafambiswa mufambisirwo umwe newakaitwa sarudzo dzemuna 2013.

Amai Mujuru, avo vaive mutevedzeri wemutungamiri pakaitwa sarudzo dzemuna 2013, vati hazvirambike kuti Nikuv yakashandiswa kubirira musarudzo.

MDC inotungamirirwa naVaMorgan Tsvangirai inoti Zanu PF yakashandisa kambani yeNikuv iyi muna 2013 kubirira musarudzo zvakaita kuti VaTsvangirai vatadze kutora matomhu kubva kumutungamiri wenyika, Va Robert Mugabe.

Zvichakadai, Va Gutu vati mashoko aAmai Mujuru aya anotsinhira zvavanogarotaura sebato kuti sarudzo dzapfuura dzakange dzine chikiribidi kunyange hazvo VaMugabe nebato ravo vachiti sarudzo idzi dzakanga dzakachena semukaka.

Hatina kukwanisa kutaura nemutauriri weZanu PF, VaSimon Khaya Moyo, pamwe nemutauriri weMDC inotungamirirwa naVaWelshman Ncube, VaKurauone Chihwayi, kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:09:53 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG