Accessibility links

Breaking News

Zanu PF Yobvuma Kuti Inoshandisa Chikafu neMbeu Ichikwezva Mavhoti


Local Government Minister Saviour Kasukuwere. (Photo: Minister's Official Twitter Account)

Bato reZanu PF rinoti riri kushandisa mbeu, chikafu pamwe nemadzishe kuti vakunde musarudzo ye by election iri kuitwa neMugovera ku Bikita West.

Vachitaura pamusangano waitwa paaGwindindwindi Secondary School ku Bikita, VaSavior Kasukuwere, avo vanoona nezvekufambiswa kwebasa muZanu PF, vati vanotenda kuti Zanu PF yakapinza mbeu nechikafu muBikita izvo zvichaita kuti ikunde mamwe mapato musarudzo.

Vakasukuwere vati chikafu nembeu zvakabetsera bato ravo kuti rikwezve vatsigiri vanosvika zviuru gumi nezviviri uye vanovimba kuti Zanu PF yatotora nzvimbo ye Bikita West muparamende.

VaKusukuwere vatenda basa rakaitwa nevatungamiriri vemauto vaitungamirirwa na Major General Engelbert Rugeje, avo vaifamba vachitsvagira bato rutsigiro.

Vachitaurawo pamusangano uyu, sachigaro weZanu PF muMasvingo, Va Amasa Nenjana, vati vanovashoropodza kuti vari kashandisa chikafu vane godo rekuti havana mari uye kana vane mari yavo ngavatengerewo vatsigiri vavo.

Mutungamiri wevechidki muBikita anopinda chechi yemapositori, VaJadie Ziki, vatiwo vanhu vasingatsigiri Zanu PF vanotsakatika nekuti inouraya sezvo ine mapurisa nemasoja.

Vachitaurawo pamusangano uyu, mumwe wevatevedzeri vemutungamiri wenyika, Va Mpekezela Mphoko, avo vanga vari munyarikani pamusangano uyu, vatiwo vanhu vanofanira kutsigira Zanu PF kuti vape VaMugabe sechipo pabhavhade ravo rekusvitsa makore makumi mapfumbamwe namatatu mwedzi unouya.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:57 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG