Accessibility links

Breaking News

Studio7 Inotarisa Nhoroondo yaVaMugabe


VaRobert Mugabe
VaRobert Mugabe
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:10:20 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vanga vari mutungamiri wenyika kwemakore makumi matatu nemanomwe, VaRobert Mugabe, vazivisa mutauriri weparamende, VaJacob Mudenda, kuti vasiya basa.

VaMugabe vasiya basa zvichitevera kupindira kwakaita mauto svondo rapera nemusi weChipiri achiti kutonga kwavo kwakanga kovhiringa zvinhu zvakawanda.

Veruzhinji vakatsigira danho rakanga ratorwa nemauto, vakaungana muguta nemusi weSvondo vachiratidzira kusafarira kwavo VaMugabe.

Mauto akamboedza kunyengetedza VaMugabe kuti vasiye basa vega, asi vakaramba vakatsika madziro.

Kusiya basa kwavaita, VaMugabe vange vave kusungiswa neparamende pachishandiswa nzira ye impeachment.

Nzira iyi yazomiswa mushure mekunge VaMugabe vazivisa kuti vasiya basa kuburikidzwa netsamba yaverengwa naVaMudenda.

VaMugabe vacharangarirwa nevanhu vakawanda nenzira dzakasiyana siyana.

VaMugabe vakaberekwa kwaKutama munharaunda yekwaZvimba musi wa 21 Kukadzi 1924, semumwe wevana vashanu vamuchakabvu Bona naVaConstantine Gabriel Mugabe Matibiri. Mukuru mumhuri yavo anga ari Michael, achiteverwa na Raphael, kuchizouya Sabina, Bridget ari chigumisirwa.

Pavakanga vachiri mwana mudiki, baba vavo vaiita basa rekuveza, vakaenda kuBulawayo vachinotsvaga basa.

Mazuva iwayo kufamba rwendo rwakadaro kwaitora masvondo akati kuti zvikusei kumunhu aita mabasa emaoko anga asina upfumi hwakawanda.

Vari kuBulawayo, baba vaVaMugabe vakanoroora mumwe mudzimai wepiri ainzi Colleta, vakaita vana vatatu; Albert, David na Regina.

Munguva iyi, amai vaVaMugabe, avo vaive mudzidzisi, vakasara vachirera VaMugabe nevamwe vana vari vega. Vachiri vadiki, VaMugabe vaibatsira amai vavo nekufudza zvipfuwo zvemhuri pamwe nekuita tumari nemaricho.

Vanhu vatema vakawanda panguva iyi vaingodzidza kusvika pazvidzidzo zvisingapfuure dzidzo yepasi, kana kuti primary school education. VaMugabe pavakapedza zvidzidzo zvepasi, vakaenda kunoita zvidzidzo zvesekondari paKutama Mission, iyo yaiva pasi peMufundisi O’Hea, avo vakanga vakakurudzira VaMugabe kuti vaenderere mberi nedzidzo.

Vadzidzisi vaVaMugabe vakatanga kuona huchenjeri hwavo vakatanga kuvadaidza nerekuti ‘mukomana akachenjera’. Shamwari yavo vachikura, muchakabvu James Chikerema, vakambotsanangura VaMugabe semunhu akanga asingatane kuramwa chero pakutanga nevamwe uye ane mwoyo wakaoma zvekuti yanga isiri nyore kumubvisa pane zvaanenge achida kuita.

VaMugabe vakaenda ku Fort Hare University kumabvazuva kwe Cape Town, vakapedza zvidzidzo muna 1951 vakapihwa Bachelor of Arts Degree muzvidzidzo zvenhoroondo nechirungu.

Vapedza zvidzidzo zvavo kuSouth Africa, VaMugabe vakadzoka kumusha kunodzidzisa, asi vachienderera mberi nezvidzidzo panguva imwe cheteyo. Mumashure memakore maviri, vakange vave nedegree repiri panguva yavaidzidzisa paHope Fountain Mission pedyo neBulawayo.

Muna 1955 VaMugabe vakayenda kuZambia, ichanzi Northern Rhodesia, uko vakanodzidzisa kwemakore mana paChalimbana Training College vachidzidzira zvakare degree reEconomics vachizviita vari kumba, izvo vakapedza muna 1958.

Mushure memakore matatu, VaMugabe vakaenda ku Ghana uko vakanodzidzisa varairidzi paSt Mary’s. Uku ndiko kwavakasangana nemudzimai wavo wekutanga, Amai Satah Heyfron, vakazochata muna 1961.

Pavvakauya kuzoshanya kumusha mugore ra 1960 akaita mahwekwe nekuratidzira kwaive nemhirizhonga zvikuru sei kumisha yaigara vatema vachiti vaida magariro ari nani.

VaMugabe vakakumbirwa vakabvuma kutaura pane rimwe gungano revairatidzira vachitsanangura mamiriro ezvinhu ku Ghana uko kwakawanikwa kuzvitonga kuchikurudzirwa pfungwa dzegutsaruzhinji.

Mumasure memasvondo mashoma, VaMugabe vakasarudzwa kuita munyori anoona nezvekuburitswa nekufambiswa kwemashoko mubato re National Democratic Party.

Hurumende ye Rhodesia yakamisa kushanda kwebato iri mukupera kwa 1961, asi nhengo dzakaungana zvekare nezita idzva re Zimbabwe African People’s Union (ZAPU) richitungamirirwa naVaJoshua Mqabuko Nkomo, avo vaizivikanwa nezvekutungamira masangano evashandi.

Nekupindana kwenguva, VaMugabe nevamwe vanonzi vakatanga kuzvidza VaNkomo vachivapomera mhosva yekusada kuita mahwekwe nevachena vachisimbisa kuti vanoda kuti ‘munhu wese abvumidzwe kuvhota’ nevavariro yekusvika muhutongi hwevatema.

Muna 1963 VaMugabe nevamwe vavo vakaita pfungwa dzakasiyana vakatanga bato idzva re Zimbabwe African National Union (ZANU) richitungamirirwa na Reverend Ndabaningi Sithole.

Mugore iroro, VaMugabe vakasungwa nemhosva yekukuchidzira mhirizhonga vakavharirwa kwemakore anopfuura gumi. Munguva iyi, VaMugabe vakaita zvakare zvidzidzo vari mujeri vakawana Bachelor of Law Degree.

Vakasungwa kudaro mugore ra 1974 VaMugabe vanonzi vakatungamira mukubviswa kwa Rev Ndabaningi Sithole semutungamiri we ZANU.

Mugore iroro, mutungamiri wehurumende ye Rhodesia, Va Ian Douglas Smith, vakabvumidza VaMugabe kuti vabuditswe mujere kuitira kuti vanopinda musangano ku Lusaka ku Zambia.

Pane kunanga kumusangano, VaMugabe vachibatsirwa na Ishe Rekayi Tangwena, vakaenda kuMozambique kunobatana neuto re ZANU rainzi ZANLA.

Bato reVaNkomo re ZAPU rakanga rine uto raro rainzi ZIPRA. Pakave nematanho ekubatanhidza mauto maviri aya pasi pe Zimbabwe People’s army mumashure mezvo pasi pe Patriotic Front.

Mapato aVaMugabe naVaNkomo arimu Patriotic Front akazoita hurukuro naVaSmith we Rhodesia dzekuunza kusununguka kweZimbabwe.

VaMugabe vakakunda musarudzo dzekuumba hurumende yekutanga yeveruzhinji muZimbabwe dzakazoitwa muna 1980.

Kubvira muna Ndira 1983 kwakaita hondo yekurwisa ma dissidents kuMatebeleland nekuMidlands. Hurumende ye ZANU-PF yakapomera vanhu vemumatunhu aya mhosva yekuchengeta ma dissidents.

Hondo iyi yakazivikanwa nezita nerekuti Gukurahundi. Vanhu vanofungidzirwa kusvika kuzviuru makumi maviri vanonzi vakaurayiwa ne5th Brigade.

Senzira yekumisa kurwisana, VaMugabe naVaNkomo vakanyorerana chibvumirano che Zimbabwe Unity Accord muna 1987, icho chakaona VaNkomo vachiitwa mumwe wevatevedzeri vaVaMugabe.

Chibvumirano ichi chakapedza kurwisana kwaitika pakati pehurumende neavo yaiiti ma dissidents.

VaMugabe vakarasikrwa nemudzimai wavo wekutanga, Aami Sally Hayfron Mugabe, avo vakashaya muna Ndira 1992 mushure mekunetseka kwenguva yakareba nechirwere cheitsvo.

Asi Amai Sally Mugabe vasati vashaya, VaMugabe vakanga vatoroora pachivanhu mukadzi wechipiri, Muzvare Grace Marufu, uyo akanga amboroorwa nemuuto, Stanley Goreraza.

Vana vaviri, Bona naRobert Junior vakaberekwa Amai Sally Mugabe vasati vashaya.

Kusazvibata kwaVaMugabe kwakakonzera dambudziko muchechi mavo vamwe vachiti havafanirwe kuchatiswa naGrace sezvo vaviri vakaita zvisingatambirwe neRoman Catholic.

Asi VaMugabe naGrace vakazochatiswa namushakabvu ArchBishop Patrick Chakaipa.

Makore maviri vachata naGrace, VaMugabe vakakonzeresa mutauro zvakare munyika apo vakatumira mauto kuDemocratic Republic of Congo, kuti anobatsira mutungamiri wenyika iyi, muchakabvu Laurent Kabila kuti asabviswe pachigaro zvechisimba. Izvi zvakaitwa dare reparamende risina ruzivo.

VaMugabe vanoshorwa nevakawanda kuti vakatadza kupindira zvichitevera kubuda kwemashoko ekuti vakuru vakuru mubato ravo, kusanganisira mukuru wemapurisa, VaAugustine Chihuri nevamwe, vakanyepa kukuvara kwavakaita muhondo, izvo zvakapa kuti vapihwe mari yakawandisa.

Munguva iyi, hurumende yakapawo vose vaimbova varwiri vehondo mari inoita zviuru makumi mashanu zvemadhora. Izvi zvakaitika muna Gumiguru 1997 mushure mekunge varwiri ava varatidzira.

Izvi zvakadhingura homwe yehurumende nekuti yainge isina kuiswa pabhajeti.

VaMugabe, avo vainge vagara vakatandavara zvavo munyaya dzematongerwo enyika, vakazoona kuti zvinhu zviri kuvaipira mushure mekunge bato reMDC raumbwa muna 1999.

Bato iri rakashanda zvakasimba mukuramba kutambira bumbiro idzva pareferendamu yakaitwa muna Kukadzi 2000.

Musarudzo dzakaitwa muna 2000, MDC yakapotsa yabvisa Zanu PF pachigaro chekutonga dai sarudzo idzi dzakaitwa pasina mhirizhonga zvikuru kumaruwa.

Sarudzo yemutungamiri wenyika yakazoitwa muna 2002, asi vakawanda vanobvumirana kuti VaMugabe vakakundwa musarudzo iyi naVaMugan Tsvangirai ve MDC.

Nyika dzekumavirira dzakabva dzaisa zvirango pahurumende yaVaMugabe nemakurukota avo.

Dzimwe sarudzo dzakasiya VaMugabe vazunzika dzakaitwa muna 2008, idzo dzakaona VaMugabe vachikundwa naVaTsvangirai, asi pakazoshandiswa mutemo wekuti VaTsvangirai vainge vasina kukunda zvinotambirwa nemutemo.

Sarudzo iyi yakadzokororwa, asi VaTsvangirai vakazobuda musarudzo iyi vachiti vatsigiri vavo vaipondwa nehurumende yeZanu PF.

Nyika dzemu Africa dzakazopindira pagakava remuZimbabwe, izvo zvakapa kuti paumbwe hurumende yemubatanidzwa iyo yakashanda kubva muna 2009 kusvika muna 2013.

Munguva iyi, VaMugabe ndivo vaive mutungamiri wenyika ane masimb akawandisa, VaTsvangirai vari mutungamiri wehurumende, asi masimba ari mashoma zvichienzaniswa neaVaMugabe.

VaMugabe naVaTsvangirai vakashanda vose kwemakore mashanu, asi hukama hwavo hwaiva husina kuti tsvikiti, VaTsvangirai vachiti VaMugabe vari kuramba kuzadzisa zvakanga zvawiriranwa pachibvumirano chaekuvaka hurumende chakakokerwa nevaimbove mutungamiri weSouth Africa, VaThabo Mbeki.

Musarudzo dzakaitwa muna 2013, VaMugabe nebato ravo vakakunda musarudzo inonzi yakabiridzirwa zvemhando yepamusoro soro kunyange hazvo Zanu PF ichiti yakakunda zvine mutsindo, uye zviri pachena.

Munguva yekutsvaga rutsigiro, VaMugabe nebato ravo vakavimbisa nyika kuti vachawanira vanhu mabasa matsva mamiriyoni maviri pasi pechirongwa cheZimAsset. Asi pakangotanga VaMugabe kutonga mushure mekukunda muna 2013, zvinhu zvakabva zvatanga kuipa, upfumi ndokuondomoka.

Makambani akatanga kuvhara vanhu vachirasikirwa nemabasa.

Kunetsana kwakatanga muZanu PF, zvikasiya mutevedzeri waVaMugabe muhurumende nemubato, Amai Joice Mujuru, vadzingwa zvose muhurumende nemubato.

Semunongedzo wekuti VaMugabe zvava kuvakunda, kurwisana muZanu PF kwakatanga kubuda pachena vanhu vachitukana vari pamberi paVaMugabe, ivo VaMugabe vasina zvavaitaura kana kutsiura.

VaMugabe vacharangarirwa kwenguva yakareba nepamusana pezvinhu zvavakaita, zvimwe zvakanaka, zvimwe zvakaipa:

Kutadza kugadzirisa gakava reGukurahundi vachiri vapenyu;

Kuparadzwa kwakaitwa hupfumi hwenyika vari pachigaro;

Kushaikwa kwemabasa munyika yaizivikanwa nenyaya yehupfumi;

Kumbunyikidza vanovapikisa;

Kusada kutsiurwa pavanenge vatadza;

Kuita humbimbindoga munyaya dzenyika;

Kune avo vakawana cheuviri kuburikidza nehutongi hwaVaMugabe:

Kupa vanhu mapurazi nehupfumi hwemupurazi pasina kana peni rawabvisa;

Kuwana hupfumi mumakambani kuburikidza nekushandiswa kwemitemo inotsigira kuendeswa kwehupfumi kuvatema;

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG