Accessibility links

Breaking News

VaMugabe Vanovhura Paramende Vasingakoshesi Kuvandudzwa kweMitemo yeSarudzo


Zimbabwean President Robert Mugabe delivers his speech during the country's 37 Independence celebrations in Harare, April, 18, 2017.
Zimbabwean President Robert Mugabe delivers his speech during the country's 37 Independence celebrations in Harare, April, 18, 2017.

Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vapurura hurongwa hwechikamu chekupedzesera cheparamende yechisere vachikurudzira makurukota avo kuti akoshese basa reparamende.

VaMugabe vataurawo nezvemabhiri akati kuti ayo vati anofanira kuzeyiwa neparamende iyi kuitira kuti ave mutemo.

VaMugabe vatiwo paramende inofanira kukoshesa basa rekuvandudza mitemo yakasiyana siyana kuti ienderane nebumbiro remitemo. Vati pamitemo yese mazana maviri nemitanhatu inofanira kuvandudzwa mizhinji yacho yakatovandudzwa uye kwasara makumi matatu chete.

Mamwe emabhiri anotarisirwa kuzeiwa neparamende anosanganisira bhiri rekuumba dare repamusoro reConstitutional Court, Child Justice Bill and Marriages Bills pamwe nebhiri remutemo wekupa mutongo kune avo vanobata chibharo reMandatory Sentencing for Rape and Sexual Abuse Bill.

VaMugabe vatiwo vanotarisira kuti paramende ichazeya mitemo inosimudzira mabasa ehupfumi pamwe nekupedza nyonga nyonga munyaya dzekupa vanhu pekuvakira dzimba kana kuti Land Developers Bills.

Asi VaMugabe vati kuti mabhiri aya apase, vanotaririsira kuti nhengoi dzeparamende nemakurukota vakoshese basa reparamande.

Kunyange hazvo VaMugabe vataura mabhiri avanotarisira kuti azeyiwe neparamende, pave nemamwe mabhiri avataura anobata zvicherwa, kucherwa kwazvo, pamwe nekutengeswa kwazvo ave nenguva yakareba achitaurwa nezvawo asi asingaunzwe kuparamende.

Mamwe mabhiri anotarisirwa kupinda muparamende mabhiri ekuongorora zvinoitika pamadandemutande, Cyber Crime and Cyber Security Bill, Electronic Transactions and Electronic Commerce Bill neData Protection Bill.

Vanokokera nhengo dzebato rinopkisa reMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai muparamende, VaInnocent Gonese, vati hapana zvitsva pane hurongwa hwaparurwa naVaMugabe.

VaGonese vati mabhiri ataurwa naVaMugabe haakoshesi kana kugadzirisa zvinhu zvinonetsa veruzhinji munyika.

Asi vanokokera nhengo dzeZanu PF muNational Assembly, VaLovemore Matuke, vati vafara chose nehurongwa hwaVaMugabe zvikuru sei pamutemo wekuchengetedza vana.

Vatiwo vafarira kurudziro yekuti makurukota ehurumende akoshese basa reparamende.

VaTerence Mukupe veZanu PF vachimirira Harare East muNational Assembly vati vafarirawo hurongwa hwaparurwa naVaMugabe uye itariro yavo kuti makurukota ehurumende achaterera mukuru wavo.

Mumwe wevatevedzeri veMDC T, uye vachimirira Warren Park, VaElias Mudzuri, vaudza Studio7 kuti hurongwa hwaVaMugabe hunogona kutadza kutevedzerwa sezvo nhengo zhinji dzeparamende dzinenge dzave kutsvaga rutsigiro musarudzo dzegore rinouuya.

Panopera chikamu cheparamende chaparurwa nhasi ndipo panobva paitwa sarudzo dzegore rinouya.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG