Accessibility links

Breaking News

Kambani Itsva yeSemende Inoparurwa muHarare naVaMugabe


Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vakumikidza chigayo chesimendi chinokosha mamiriyoni makumi masere nemaviri emadhora muHarare chekambani yekuSouth Africa yePPC vachiti zvinofadza kuti kambani iyi iri kutevedza mutemo wenyika wekupa masimba vatema munyaya dzehupfumi.

Kunyange hazvo vamwe vemabhizimisi vekunze vari kuchema nemutemo uyu, VaMugabe vati mutemo uyu haukanganisi mabhizimisi ekunze uye unotokurudzira vekunze kuti vashande nevatema vemunyika.

VaMugabe vati kambani iyi, iyo ine zvigayo zvesimendi zvitatu muHarare, kuBulawayo neGwanda yakatoita zvinodiwa nemutemo uyu muna 2012 nekubatsira vanhu vari munharaunda dzainoshandira pamwe nekupa zvikamu gumi kubva muzana zvekambani iyi kuvashandi vayo.

Vana muzvinbhizimusi vemuZimbabwe vanonzi vane zvikamu zvishanu kubva muzana mukambani iyi.

VaMugabe vati zvinofadza kuti kambani yePPC yakavaka chigayo chemhando yemamusoro muHarare uye kambani iyi yabatsirawo muzvirongwa zvakawanda zvebudiriro munyika.

Simendi yakabva kukambani iyi yakashandiswa muzvirongwa zvekuvaka dhamu reMutirikwi, muzinda weNational Railways kuBulawayo pamwe nenhandare yendege yeJoshua Nkomo kuBulawayo.

Mukuru wekambani iyi muZimbabwe, VaKalibone Masiyane, vati kambani yavo inofara chose kushandira muZimbabwe uye ine tariro yekuti ichagadzira simendi yakawanda ichashandiswa muzvirongwa zvakaita sekuvaka mugwagwa unobva kuBeitbridge uchienda kuChirundu.

Vati chigayo chemuHarare, icho chichange chichigadzira matani zviuru mazana manomwe nemakumi mashanu pagore, chichange chichitenegesawo simendi kunyika dzekunze dzakaita seMozambique neZambia.

Zvigayo zvese zvePPC zvinoburitsa miriyoni nezvuru mazana masere zvesimendi pagore izvo zvinoita kuti ive kambani hombe yesimendi munyika.

Mamwe makambani anogadzira simendi munyika iLarfarge iyo iri muHarare pamwe neSino Cement iri kuGweru.

Muzvinabhizimisi ane mukurumbira wekuNigeria, VaAliko Dangote, vakapihwa mvumo muna 2015 kuburikidza nekambani yavo ye Dangote Cement (Zimbabwe) yekutanga bhizimisi rekugadzira simendi asi havasati vatanga basa iri.

Makurukota akawanda ehurumende anosanganisira gurukota rezvemaindasitiri, VaMike Bimha, vamiriri vedzimwe nyika dzakaita seChina vapindawo muchiitiko ichi.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:48 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG