Accessibility links

Chirongwa chekunyoresa mazita pachishandiswa mishina yechizvino zvino, kana kuti Biometric Voter Registration, kuitira kuti vanhu vazovhota musarudzo dzegore rinouya, kwaparurwa Harare neChina, pasi rose richiona.

Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe nemudzimai, Amai Grace Mugabe, ndivo vatanga kunyoresa kuState House, vachizoteverwa nevatevedzeri vemutungamiri wenyika vaviri, VaEmmerson Mnangagwa naVa Phelekezela Mphoko.

Chirongwa ichi chatanga kuparurwa kuState House nemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, avo vati vaparura chirongwa ichi vachitevedzera bumbiro remitemo yenyika.

Mushure mekuparura chirongwa ichi kuState House, chirongwa ichi chazoparurwawo kuHarare International Conference Center uko kwanga kuine veruzhinji.

Sachigaro weZimbabwe Electoral Commission, ZEC, Amai Rita Makarau, vati sangano ravo ragadzirira zvakakwana kuti vanhu vanyorese senzira yekuti vaumbe gwaro revavhoti idzva.

Vatiwo mishina yavanayo ndiyo ichasanoshandiswa vakamirira imwe ichauya. Amai Makarau vati chirongwa ichi chichatanga neMuvhuro mumatunhu makumi matanhatu nematatu.

Amai Makarau vati kupiwapachena kwezvitupa nemagwaro ekuzvarwa pamwe nekupiwa magwaro kune avo vane zvitupa zvakanzi Alien kuchabatsira veruzhinji kuti vakwanise kunyoresa pasina mubhadharo, izvo zvichaitwa kwemwedzi mitatu chete.

Asi mapato anopikisa aratidza kunyunyuta zvikuru nekutangwa kwegwaro rekuvhota ZEC yacho isina zvakakwana.

Amai Makarau vaudza vanhu pavaparura chirongwa ichi kuHarare International Conference Center uko kwanga kwakokwa vemapato anopikisa, vedzisvondo nevamwewo kuti vane mishina mazana mana yekunyoresa vavhoti iko kuchidiwa mishina zviuru zvitatu nemazana mana.

Vatiwo havasati vava nedura rekuchengetera zvinenge zviri mugwaro revavhoti, kana kuti servers

Munyori mukuru mubato reMDC T, VaDouglas Mwonzora, vati kuparurwa kwechirongwa ichi zvinhu zvisina kukwana imviro-mviro dzekuda kubirira pasarudzo. VaMwonzora vati vatoendesa nyaya iyi kudare redzimhosva.

VaMwonzora vatiwo vari kushamiswa kuti sei mapato anopikisa asina kukwokwa kwaparurwa chirongwa ichi naVaMugabe kuState House.

Mukuru wesangano rakazvimirira reElectoral Resource Center, VaTawanda Chimhini, vatiwo kunyange hazvo chirongwa ichi chaparurwa vange vaine tarisiro yekuti zvinhu zvese zvinodiwa zvinge zvavapo.

Amai Makarau vati panopera chirongwa ichi musi wa15 Ndira 2018,vanhu vachaenderera mberi nekunyoresa asi vanenge vononyoresera kumahofisi akasiyana siyana eZEC.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG