Accessibility links

Breaking News

VaMugabe Vanorumbidza Zviratidzwa zveGore Rino kuHarare Agricultural Show


Mombe ndedzimwe dzeviratidzwa zviri kuHarare Agricultural Show yegore rino
Mombe ndedzimwe dzeviratidzwa zviri kuHarare Agricultural Show yegore rino

Mutungamiriri wenyika, VaRobert Mugabe vakavhura zviri pamutemo zviratidzwa zveHarare Agricultural Show nemusi weChishanu muHarare vachiti vari kufara chose nemhando yepamusoro yezviratidzwa zvegore rino.

Vakatiwo mwaka wegore rino wakabudirira chose nekuda kwechirongwa chehurumende chekutsigira kurimwa kwechibage, icho chinodaidzwa kuti Command Agriculture.

VaMugabe vange vaine mudzimai wavo Amai Grace Mugabe avo vaonekwa paruzhinji kekutanga kubva zvavakapomerwa mhosva yekurova imwe tsvarakadenga yekuSouth Africa, Gabriella Engels uyo vakaona ari muhotera nemwana wavo.

VaMugabe vakurudzira vemakambani anorima mbeu, akazvimirira nevemabhanga vachiti vanofanira kutsigira mabasa ekurima munyika kuti hupfumi hwenyika huvandudzwe.

Vatiwo mutengo wekukwereta mari mumabhanga uchakakwira zvakanyaya uye uye izvi zvinodzorera kumashure mabasa ekurima izvo zvinodzerera hupfumi hwenyika kumashure.

Zvichakadaro, bazi rezvekurima ndiro ratora mubairo wepamusoro unopihwa nevanoronga Harare Show veZimbabwe Agricultural Society gore rino mushure mekukunda vese vairatidzira nekuda kwechirongwa charo cheCommand Agriculture.

Mubairo uyu watambirwa negurukota rezvekurima VaJoseph Made kubva kunaVaMugabe.

Kambani yeEconent ndiyo yatora mubairo wepamusoro pamakambani eposvo nenhare, Rural Electrification Agency ndiyo yatora mubairo wepamusoro pamakambani ezvemhando dzemoto.

Kambani yemarasha, yeHwange Colliery ndiyo yatora mubairo wepamusoro pamakambani ezvezvicherwa.

Mukuru anoona nezvemabasa ekutengesa mukambani iyi, Dr. Beauty Mutombe, vaudza Studio 7 kuti vafara chose nemubairo wavawana uye vachaedza kudarika apa gore rinouuya.

Mutungamiriri weZAS VaNgoni Kudenga vati Show yegore rino yakabudirra chose uye yaitwa apo mabasa ekurima ari kutarisirwa kusimukira nezvikamu makumi maviri nechidimbu kubva muzana.

Mune imweyo nyaya munyori wenhau anoshanda akazvimirira, Anderson Manyere uyo anoti akarohwa nenhengo yeZanu PF VaEphraim Chizola nemusi China achibva asungwa kuHarare Agricultural Show anonzi acharara muchitokisi kwezuva repiri. Manyere anonzi aitora mifananidzo vatsigiri veZanu-PF apo akarohwa.

Gweta raManyere, VaKudai Kadzere vaudza Studio 7 kuti kunyange hazvo Manyere ari iye akarohwa, ndiye ave kupomerwa mhosva yekurova munhu. Asi ari kuramba mhosva iyi.

Nyaya ina Irwin Chifera
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:49 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG