Accessibility links

Breaking News

VaMugabe (90) Vanoitwa Sachigaro weAfrican Union


Musangano wevatungamiri veAfrican Union, AU, wavhura zviri pamutemo muAddis Ababa, kuEthiopia, mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vachisarudzwa zviri pamutemo kuva sachigaro wesangano iri kusvika muna Ndira gore rinouya.

Nyaya Ina Sandra Nyaira
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:51 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

VaMugabe vapururidzirwa nevamwe vavo apo vapihwa chigaro ichi.

Izvi zvinorevakuti VaMugabe vave nezvigaro zviviri sezvo vari zvakare sachigaro we Southern African Development Community ne AU.

VaMugabe, avo vatora matomu kubva kumutungami weMauritania, Va Mohamed Ould Abdel Aziz, vatenda vamwe vavo nekuvasarudza kuva sachigaro vachiti vanoziva huremu hwebasa ravachange vachiita kwemwedzi gumi nemiviri.

Vachitaura mumashoko ekutambira husachigaro uhu, VaMugabe vati vachange vachikurudzira vamwe vavo kuti vashandise zviwanikwa zveAfrica, zvikuru zvicherwa kuitira kuti zvisimudzire nyika dzemu Africa.

Vatenda Mwari nekubuditsa kwavati vari kuita mafuta edzimotokari nezvimwe zviwanikwa izvo vati hazvina kuwonekwa nevanhu vakanga vapamba Africa.

Va Mugabe, avo vari kusvitsa makore makumi mapfumbamwe nerimwe muna Kukadzi, vati Africa inofanira kugadzirisa nyaya dzemagandanga dziri kunetsa uye kugadzirisa magakava ekutonga munyika dzakaita se South Sudan , Democratic Republic of Congo, Central African Republic uye kutsvaga kuti kushanduka kwemamiriro ekunze kogadziriswa sei kuti Africa isafa nenzara.

Vachitaura pamusoro pedingindira remusangano we AU, rekusimbaradza vanhukadzi nebudiriro,Va Mugabe vati dindingira iri rinopa Africa mukana wekutsvaga kuti yogadzirisa sei nyaya dzemadzimai munyaya dzebudiriro.

Sasachigaro mutsva, VaMugabe ndivo vabva vaparura zviri pamutemo dindingira regore rinouya.

Sachigaro we African Union Commission, Amai Dlamini-Zuma, vataura pakutanga kwemusangano uyu vachikurudzira kusimudzirwa kwemadzimai uye kuti Africa ibatane mushure mekutambirwa zviri pamutemo kwe Agenda 2063, gwaro rebudiriro re Africa remakore gumi nemashanu ari kutevera.

Amai Dlamini Zuma vati Agenda 2063 inofanira kuchinja Africa zvachose.

Munyori mukuru we United Nations, Va Ban ki Moon, vataurawo pakuvhurwa kwemusangano uyu vachikurudzira vatungamiri ve Africa kuti varege kurambirira mumahofisi kana nguva yakatarwa nemabumbiro avo emitemo yasvika.

Vati vatungamiriri ve Africa vanofanira kuremekedza nyaya yekusiyirana hofisi kana nguva yakwana.

Musangano uyu unopera mu Addis Ababa neMugovera mushure mekuzeya nekutambira zviri pamutemo chirongwa che Agenda 2063.

XS
SM
MD
LG