Accessibility links

Breaking News

Nyaya yaVaMugabe Yogara Yakazeyiwa Nguva Dzose


Zimbabwe Politics
please wait

No media source currently available

0:00 0:07:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dziri kunze kwenyika dziri kugara dzakatarisa zviri kuitika muZanu PF, umo mune hurongwa hwekubvisa mutungamiri webato iri, VaRobert Mugabe.

Musangano weCentral Committee yeZanu PF uri kuzeya nyaya yekudzinga VaMugabe mubato.

Kana VaMugabe vakadzingwa, bato iri riri kubva rasarudza munhu achafanobata matomu kudzamara bato iri raenda kukongiresi.

Mashoko atiri kutambira anotiwo VaMugabe vari kutarisirwa kusangana nevakuru vemauto.

Hapana mashoko ati aburitswa anoratidza kuti musangano uyu ndeweyi.

Nhengo yeZanu PF muWashington, VaFrenk Guni, vanoti sebato vakatora danho rekudzinga VaMugabe nokuti vakange voisa zvido zvemudzimai wavo mberi.

Ukuwo sachigaro weMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, VaDen Moyo, vanoti VaMugabe neZanu PF hazvisisina remangwana.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG