Mutungamiri wenyika, Va Robert Mugabe, vadonha neChitatu panhandare yendege ye Harare International Airport pavapinda munyika vachibva kuEthiopia kwavakatora chigaro chasachigaro we African Union.
Izvi zvaitika pamberi pechita chevanhu vanga vaenda kunovatambira panhandare muHarare mushure mekunge vapedza kutaura kwemaminitsi anokwana makumi mana nemashanu.
Va Mugabe vatadza kutsika zvakanaka pamanera epavanga vakakwira vachitaura nevatsigiri vavo.
Mutungamiri wenyika azosimudzwa nevanovanovachengetedza ndokuperekedzwa vachizunzwazunzwa madhaka kumotokari dzavo dzanga dzakavamirira.
Zvichakadai, vatori venhau vanga vatora mifananidzo yemutungamiri wenyika akazvambarara pasi vaunganidzwa vese vakadzimiswa mifananidzo iyi nevasori.
Asi vamwe vakwanisa kutumira mifananidzo iyi kumasangano avo enhau.
Mutauriri waVa Mugabe, Va Geroge Charamba, varamba kutaura kuti Va Mugabe vakuvara here kana kuti havana vachiti inyaya isina basa nevatori venhau.
Mutungamiri wenyika, uyo ari kusvitsa makore makumi mapfumbamwe nerimwe mumazuva gumi nerimwe anowanzogara achienda kunze kwenyika kunorapwa.
Kunyange zvisinganyatsozivikanwa kuti Va Mugabe vanorwara nei, Va Charamba vakamboti Va Mugabe vanenge vachienda kunorapwa ziso.
Zvichakadai, mutauriri we MDCT, Va Obert Gutu, vanoti Va Mugabe vave munhu akura saka vanofanira kusiya chigaro voenda kunozorora semunhu ava mukweguri.
Asi vaimbova mutungamiriri wesangano revadzidzi, Va Pride Mkono, vanoti zvinowanikwa kuti munhu anogona kudonha pamanera zvisineyi kuti achakasimba here kana kuti kwete.
Nyanzvi munyaya dzevzematongerwo enyika uye vari mutori wenhau ane mukurumbira, Va David Masunda, vashora kudzimiswa mifananidzo yaVa Mugabe vakazvambarara kwaitwa vatori venhau nevasori vachiti hurumende inofanira kusiya vatori venhau vachiita basa ravo vakasununguka.
Vatori venhau vanogara vachigunu'una zvikuru nemabatirwo avanoitwa nehurumende pavanenge vachiita basa ravo.
Zvichakadai, Va Mugabe vaudza vanhu vauya kuzovatambira panhandare yendege vasati vadonha kuti vari kufara kuti ndivo vave sachigaro we AU uye vachashanda zvakasimba mukusimudzirwa kwenyika dzose dziri mu Africa.
Va Mugabe vachange vari sachigaro we AU kusvika muna Ndira 2016 uye ndivo zvakare sachigaro wesangano renyika dziri kuchamhembe kwe Africa re SADC.