Accessibility links

Breaking News

VaMugabe Vanoudza Vechidiki Vavo Kusaita Mhirizhonga


Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vakurudzira vechidiki veZanu PF kuti varange vamwe vavo vanowanikwa vachiita zvemhirizhonga.

Vachitaura pamusangano wavaita nevechidiki vebato ravo kuLupane kuMatabeleland North, VaMugabe vati vechidiki muZanu PF havafanirwe kuita zvemhirizhonga nekuti bato ravo ndererunyararo.

VaMugabe, avo vakwegura zvakanyanyisa, vataura mashoko aya vachiratidza kuneta.

VaMugabe vakurudzirawo zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika kuti zvidzoke kuzosimudzira hupfumi hwenyika uho huri kuramba huchienda kumawere.

Mashoko aVaMugabe pamusoro pemhirizhonga anouya mazuva mashoma zvichitevera kupiswa kwebhizinesi remumwe wevatevedzeri vemutungamiri weMDC-T, Engineer Elias Mudzuri.

MDC-T inoti izvi zvakaitwa nevanhu vanofungidzirwa kuti vatsigiri veZanu PF.

Asi munyori wemabasa muZanu PF, VaIgnatius Chombo, vanoti nhengo dzeMDC ndidzo dziri kupisirana dzimba nekuita zvemhirizhonga.

Vanoona nezvemisangano yematongerwo enyika mu MDC-T, VaAbednico Bhebhe, vanoti vanhu havafanirwe kutora mashoko aVaMugabe seechokwadi nokuti ivo VaMugabe ndivo honzeri yemhirizhonga munyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:51 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG