Accessibility links

Breaking News

VaMudzuri Vokurudzira Vanhu Kubatana muMDC Kuitira Kuti Vakunde Zanu PF Musarudzo


Engineer Elias Mudzuri vari muChegutu vachipa rubatsiro kuvanhu vakawirwa nedambudziko rekorera.

Vakafanobata chigaro chemutungamiri webato reMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, VaElias Mudzuri, vari kukurudzira nhengo dzebato ravo kuti dzibatane kuitira kuti vakunde Zanu PF musarudzo zvine mutsindo.

Vachitaura apo vanga vachishanyira mhuri dzevanhu vakafa nechirwere chekorera muChegutu, VaMudzuri vakurudzira zvikuru nhengo dzavo kuti dzibatane kuitira kuti dzikunde musarudzo dzegore rino.

VaMudzuri vati bato reZanu PF rakatoparara kare sezvo nhengo dzaro dziri kuuya mumusasa mukuru weMDC.

Asi patabvunza VaMudzuri kuti sei nhengo dzemubatanidzwa weMDC Alliance dzave kutungana, VaMudzuri vati kusawirirana kuri kuitika kuHarare East kuri kukonzerwa nekupesana kuri kuita vanhu panayaya iyi.

VaMudzuri vati vakaudzwa naVa Obert Gutu kuti havasi ivo vakafambisa mashoko ekuti vari kuda kukwikwidza munzvimbo yeHarare East.

Zvinonzi nzvimbo yeHarare East yakapihwa kuti imirirwe musarudzo nenhengo yebato rePeople's Democratic Party inotungamirwa naVaTendai Biti pasi pehurongwa hwechibvumirano chemubatanidzwa wemapato.

Bato raVaBiti ndiro rinosarudza munhu waro anokodzera kunge achimirira MDC Alliance musarudzo yemuHarare East.

Vachitaurawo pamusangano wavaitira pane imwe imba yenhengo yavo muChegutu, sachigaro weMDC-T, VaMorgan Komichi, vati nhengo dzose dziri mumubatanidzwa dzakakosha nekuti pane zvadzinounza mumubatanidzwa uyu.

VaMudzuri vaperekedzwa nenhengo dzehutungamiri hwebato ravo dzinoti sachigaro webato, VaKomichi, munyori mukuru, VaDouglas Mwonzora, mutevedzeri wemurongi wemisangano, VaAmos Chibaya, mutevedzeri wemubati wehomwe, VaChalton Hwende, mutungamiri wevechidiki, VaHappymore Chidziva, pamwe nemunyori mukuru wevechidiki, VaLovemore Chinoputsa.

VaMudzuri vashanyira kiriniki yepaChinengundu uko kune vanhu vavhiringwa nedambudziko rekorera.

Panyaya yechirwere chekorera, VaMudzuri vati hurumende iripo iri kutadza kupa mari kumakanzuru inoita zvikamu zvishanu kubva muzana pabhajeti ravo.

Izvi zvinotsigirwa nachiremba mukuru anoona nezvirwere zvinotapuriranwa mudunhu reMashonaland West, VaBlessing Masocha, avo vanoti mararamiro evanhu haasi kushanduka kubvira pakamboitika chirwere chekorera mugore ra2008 na 2009 apo vanhu makumi matatu nevanomwe vakafa muChegutu.

Vanhu vana vafa muChegutu kubva musiwa 8 Ndira kusvika pari zvino.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:23 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG