Accessibility links

Breaking News

Mtukudzi Anoti Hurumende Haina Hany'a neVaimbi


Oliver Mtukudzi
Oliver Mtukudzi

Muimbi ane mukurumbira munyika, Oliver Mtukudzi, anoti zvinhu zvicharamba zvakaoma munyaya dzezvekuridza magitare, mitambo pamwe nezvekuveza nekuda kwehurumende isina hany'a.

Achitaura pamuzinda wake wePakare Paye, pamberi pekomiti yeparamende inoona nezvemitambo, Mtukudzi ati hurumende inofanirwa kuva nehanya kuti igokwanisa kuyamura vanhu vanoita zvemitambo nekuimba.

Mtukudzi ati kushaya hanya nezvemitambo kwevatungamiri ndiko kunoita kuti zvemitambo zvisabudirire munyika.

Mashoko aya abuda pamberi pasachigaro wekomiti yeparamende inoona nezvemitambo, VaNever Khanye, iyo yashanya pamuzinda wePakare Paye ichida kunzwisia nezvematambudziko anosangana nevaimbi.

Mtukudzi ati matambudziko evanhu vanoita zvemitambo ari kuramba achiwanda gore negore nekuti vezvematongerwo enyika havazive zvakakoshera nyika.

Mtukudzi apa muenzaniso wevana vanosvika mazana mapfumbamwe vaibva kunyika dzakasiyana siyana vakadzoserwa panhandare yendege mwedzi mishoma yapfuura.

Izvi zvatsigirwa naVaBernard Gore avo vakaremara vati vakayamurwa havaite dambudziko munyika.

VaKhanye vaudza vanhu vanodarika makumi mashanu kuti komiti yavo ichakumbira hurumende kuti vaimbi vane mukurumbira vapihwe magwaro ekufambisa anoita kuti vafambe nyore pamiganhu yenyika.

Mumwe nyanduri, Muzvari Lee Ncube, ati ashamisika kuti Mtukudzi haana diplomatic passport.

Muzvari Ncube vati kuita kwehurumende uku kunonyadzisa.

Mtukudzi azopa vanhu vashanya nzwisa yenziyo dzichange dziri padambarefu ravo richatevera.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:49 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG