Accessibility links

Breaking News

Vanhu Votora Madhora Gumi Chete Mubhanga kuChinhoyi


Zimbabwean Bond Notes

Dambudziko rekushaikwa kwemari mumabhangi riri kuwedzera zvichitevera kutadza kupa vanhu mari yakatarwa nebhanga guru renyika yemadhora makumi mashanu pazuva.

Dambudziko rekushaikwa kwemari mumabhangi riri kuwedzera zvichitevera kutadza kupa vanhu mari yakatarwa nebhanga guru renyika yemadhora makumi mashanu pazuva.

Mabhangi mazhinji emuChinhoyi anga ave kupa vanhu madhora gumi chete.

Mabhanga anoti POSB neCabs anga adzikisa mari yekupa munhu pazuva kusvika pamadhora gumi iyo vakawanda vanoti hapana chainobetsera sezvo pachitorwa mabank charges.

Muzvari Constance Nhekairo avo vabva kuMhangura vanoti madhora gumi ari kupihwa vanhu mashoma zvikuru sezvo isingakwane kutenga zvekudya zvinokwana mhuri.

Mumwe mugari wemuChinhoyi, VaCuthbert Hozheri, vanoti nyaya yemari idambudziko ratekeshera munyika yose.

VaHozheri vanoti madhora gumi ave kupihwa mashoma sezvo ari kuperera mukufambisa kuenda kumba nekudzoka kuzotora imwe mari shoma.

VaHozheri vanoti dambudziko rekushaikwa kwemari riri kukonzerwa nezvematongerwo enyika sezvo mabhangi asiri kutevedzera mari yakatarwa nehurumende.

Mukuru webhangi reCABS muChinhoyi, VaErasmus Gumbo, varamba kutaura nevatori venhau vachiti havabvumirwe nemutemo.

Zvichakadaro, vanhu vakawanda vanga vachitenga zvekudya muzvitoro zvakaita seTM neOK.

Mumwe wevatenga zvekudya zvinosvika madhora makumi matatu, Muzvari Abgail Zingoma, vanoti vashandisa kadhi rekubhangi kwavo kutenga sezvo mari iri kunetsa kutora kumabhangi.

Muzvari Zindoga vanoti kuti dambudziko rekushaya mari kumabhangi ripere, hurumende inofanirwa kuunza imwe mari yema bhondi.

Hurumende yakati iri kuunza mari yema bond notes kuitira kuti ipedze dambudziko rekushaikwa kwemari munyika.

Asi nyanzvi munyaya dzehupfumi dzinoti zviri pachena kuti danho iri kuteya nzou neriva sezvo kushaikwa kwemari kuri kuenderera mberi.

Nyaya Ina Arthur Chigoriwa
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:25 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG