Accessibility links

Breaking News

Vamwe Vanoti Hurumende Haikwanise Kuzadzisa Zvichemo Zvinobata COVID-19


Vanachiremba navanamukoti vari kukurudzirawo hurumende kuti naivo vaongororwewo kana vaine hutachiwana hweCoronavirus.

Vanoongorora zvematongerwo enyika uye vari mukuru wesangano rinorwira budiriro yenharaunda, reFastforward Community Development Centre, VaAkson Potera, vanoti musangano waitwa pakati pemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, navanachiremba, vanamukoti nevamwe vari mumapoka akakosha musangano wakanaka chose.

Asi VaPotera vanoti havaoni hurumende ichizadzisa nekukasika zvose zviri kukurudzirwa nemapoka aya nekuda kwemamiriro ezvehupfumi hwenyika.

VaPotera vanoti hurumende ine dambudziko remari zvekuti kuti ikwanise kuvhura nzvimbo dzekuongororera hutachiwana hwe coronavirus mumatunhu akawanda enyika pamwe nekukasika kuburitsa zvinenge zvawanikwa zviroto chaizvo, kunze kwekunge paita vamwe vanobatsira venenge vapindira.

Vanotiwo zvakakosha zvikuru kuti vanachiremba navanamukoti vari kumberi mukurwisana nedambudziko rechirwere che COVID-19 ivo pachezvavo vaongororwewo kana vaine hutachiwana hwe Coronavirus, sezvo vachisangana nevarwere vakasiyanasiyana,

Panyaya yekurudziro yaVaMnangagwa yekuti vanhu varemekedze mutemo wekugara kudzimba, VaPotera vanoti ruzhinji rwevanhu munyika rwunorarama nekupemha zuva nezuva, zvinove zvichanetsa kuti mutemo uyu uteverwe.

Hurukuro naVaAkson Potera
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG