Accessibility links

Breaking News

VaMliswa Votenda VaTsvangirai Mushure Mekukunda Musarudzo


VaTemba Mliswa
VaTemba Mliswa

Vakakunda musarudzo dzekuNorton vakazvimirira VaTemba Mliswa nemusi weMuvhuro vakasangana nemutungamiri webato guru rinopikisa reMDC-T VaMorgan vachivatenda nekuvatsigira kwavakaita musarudzo idzi.

VaMliswa vakurudzira mapato ose anopikisa kuti abatane kana zvichibvira obva atsigira vatsvangirai musarudzo dzemuna 2018 semunhu anokwanisa kukunda otungamira kuvandudzwa kwezvinhu pasina Zanu-PF nyika yozofambira mberi mune zvakanaka.

Hurukuro naVaTemba Mliswa
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:23 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

VaMliswa vanoti havasi kuzoshanda naAmai Joice Mujuru weZimbabwe People First kunyangwe vose vaimbenge vari muZanu-PF.

Mutauriri weZimbabwe People First VaJelousy Mawarire vati VaMliswa vachine bhabharasi rekukunda asi vakati vanofanira kuziva kuti vanhu vakavhotera ndevemapato ose.

Veruzhinji vanoti kukunda kwakaita VaMliswa zvinodzidzisa kuti mapato akabatana anokunda Zanu PF musarudzo dzose dzinoitwa.

Vachitaura mushure mekuziviswa kuti VaMliswa ndivo vainge vakunda sarudzo dzemuNorton neMugovera, vanoongorora zvematongerwo enyika vari nhengo yeZimbabwe People First (ZimPF) mudunhu reMashonaland West VaTendai Musonza vanoti vemapato anopikisa vakabatana munguva dzesarudzo vanokunda bato reZanu PF.

Izvi zvinotsigirwa nemugari wemuChinhoyi VaFrancis Nhamburiko vanoti kukunda kwaVaMliswa kwapa Zimbabwe yose manyuku nyuku ekuti vanhu vakabuda kunovhota Zanu PF inokundwa zvisinei nechitsotsi chavanoita.

VaMliswa vakakunda nhengo yeZanu PF VaRonny Chindedza naVaDavid Choga veNational Constitutional Assembly (NCA) musarudzo dzakanga dziine mhirizhongo yakawanda munguva dzekutsvaka rutsigiro.

Mumwe mugari wekuNorton VaDensel avo vakagara mazuva maviri vari muchipatara chemuNorton mushure mekunge vakandirwa hutsi hunokachidza nemapurisa vanoti vanofara nekukunda kwaVaMliswa mushure mekushungurudzwa nemapurisa.

Vachitaura mushure mekukunda VaMliswa vanoti vanotenda vagari vemuNorton nehushingi hwavo zvichitevera mhirizhonga yakaitika munzvimbo iyi.

VaMliswa vanotenda mapato eMDC-T nePeople Democratic Party (PDP) yaVaTendai Biti nerubatsiro rwavakavapa.

VaMliswa vanoti sezvo vakakunda vose vakatumwa nemutungamiri webato reZanu PF uye vari mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vave kuda kukwikwidza VaMugabe pachavo musarudzo dzemuna 2018.

Kukunda kwaVaMliswa muNorton kuri kuonekwa nevanopikisa sedanho rekutanga rekubvisa Zanu PF mukutonga kwehumbimbindoga kwavanoti kwaita kuti hupfumi hwenyika huende kumawere uye kuti vanhu vakawanda vanonge svosve nemuromo.

Nyaya Ina Arthur Chigoriwa
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:18 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG