Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau, Muvhuro 02, Ndira 2016


Misoro yeNhau

Vaimbova gavhuna wedunhu reMashonaland West VaPeter Chanetsa uye vaive mutungamiri wevadzidzi paUniversity of Zimbabwe VaPaul Rumema Chimhosva vanoshaya.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzinoyambira kuti zvinhu mugore ra2017 zvichatonyanya kuoma munyaya zvichikonzerwa negadziriro yesarudzo dza2018.

Dzimwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzinoti kurambidzwa kupinda munyika kwegorosi rakagayiwa kuchapa kuti chingwa chiwedzerwe mutengo.

Vatsigiri vemitambo vanoti vari kutarisira shanduko mugore ra 2017. Mutori wedu wenhau dzemitambo Michael Kariati achatipa nyaya iyi.

Muchirongwa chedu cheLiveTalk, nhasi tiri kutarisa maonero enyu pamamiriro ezvehupfumi mugore rino ra2017.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio 7, shandisai Whatsapp panhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na 7pm pamasaisai anoti 909 am ne 13860. 15460 ne 4930 Kilohertz paShortwave.

Misoro yeNhau, Muvhuro Ndira 02, 2017
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:48 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG