Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau – Chitatu, Chivabvu 25, 2016


Voice of America Studio 7

Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe voshora kurwisana kuri mubato ravo reZanu-PF pakufora kwaitwa muHarare nhasi.

VaTsvangirai voshora nyaya yeZanu-PF yekumanikidza vanhu kufora nhasi.

Vanhu vemuAfrica vocherechedza zuva reAfrica Day.

Muchirongwa chatinotaura nezvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika, Tirikutaura nezveZimExpo ichaitwa muno muAmerica.

Tichakupai zvabuda mumakwikwi eCastle Premier Soccer League

Muchirongwa cheLivetalk na8.30 pm tiri kutarisa nyaya yekufora kwaitwa nevatsigiri veZanu-PF muHarare.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai whats app panhamba dzinoti + 1 202 465 0318.

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na 7pm pamasaisai anoti 909 AM ne 4930 Kilohertz pa Short Wave.

Misoro yeNhau, Chitatu, Chivabu, 25, 2016
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:51 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG