Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau – Chitatu, Kurume 23, 2016


Misoro yeNhau

Mumiriri weZimbabwe kuBelgium anoti hapana mwana weZimbabwe akafa mukubhombwa kwakaitwa munyika iyi nezuro.

Gurukota rinoona nezvekuendeswa kwehupfumi kuvatema VaPatrick Zhuwao vanoti makambani evachena anotadza kupa vatema zvikamu makumi mashanu nechimwe kubva muzana musi wa 1 Kubvumbi achamanikidzwa kuvhara.

China yobatsira Zimbabwe nechikafu chemari inosvika mamiriyoni makumu maviri nemana.

Vakarohwa kana kutochwa zvikuru munyaya dzezvematongerwo enyika vanoti hurumende haina zvairi kuita kuvaripa.

Zimbabwe Warriors yoita gadziriro yemutambo weCaf Champions neSwaziland.

Muchirongwa chedu cheLiveTalk na 8.30 pm tiri kutarisa mashoko ekuti makambani asiri kuendesa zvikamu makumi mashanu nechimwe kubva muzana achavharwa musi wa 1 Kubvumbi.

Vanoda kupinda muchirongwa cheLiveTalk, kana kutumira mashoko pamwe nekukwazisa hama neshamwari, shandisai whats app nhamba dzedu dzinoti + 1 202 465 031

Misoro yeNhau, Kurume, 23, 2016
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:08 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG