Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi dzeMitemo Dzopesana Pane Zvakaitwa neMauto


Zimbabwe Political Turmoil
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:41 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Nyanzvi dzezvemitemo dziri kupesana pamusoro pedanho rakatorwa nemauto, vamwe vachiti mauto apidigura hurumende, vamwe vachiti mauto haana kubvisa hurumendee nechisimba.

Nyanzvi munyaya dzebumbiro remitemo, VaSharon Hofisi, vanoti mauto haasati atora mapazi ehurumende, nokudaro hazvinganzi apidigura hurumende nechisimba.

VaHofisi vati nekuda kwekuti mauto achiri kuremekedza mutungamiriri wenyika pamwe nekutaura kuti vachiri mukuru wemauto, zvinoratidza kuti VaMugabe havasati kubviswa zvechisimba.

VaHofisi vatiwo section 212 yebumbiro remitemo yenyika inopa mauto simba rekuchengeta nyika, vanhu pamwe nezvido zvegutsaruzhinji, vakati izvi ndozviri kuitwa nemauto.

Rimwe gweta, VaEmmanuel Nyambuya, varambawo kuti zvaitwa nemauto izvi kubvisa hurumende nechisimba vachiti kana mauto atora hutungamiri nechisimba, vangadai vatobvisa mutungamiriri wenyika.

Asi rimwe gweta rinorwira kodzero dzavanhu raramba kudomwa nezita rati zvaitwa nemauto kutyora bumbiro remitemo yenyika sezvo ari kuratidza kuti anotsigira bato reZanu PF nekuda kwekuti vapindira munyaya dzine chekuita nebato iri.

Mautowo ari kuramba panhepfenyuro kuti abvisa hurumende nechisimba vachiti vangoripo kugadzirisa zvinhu zvanga zvaita manyama amire nerongo munyika.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG