Accessibility links

Breaking News

Chirongwa Chekuedza Kudzivirira Vanhukadzi kuHIV Chokundikana?


Nyanzvi munyaya dzehutano dzinoti dziri kushushikana zvikuru nekusabudirira kweongororo yanga ichiitwa yekushandisa mishonga senzira yekudzivirira vanhukadzi kuti vasabatwe nehutachiona hweHIV hunokonzera mukondombera.

Nyanzvi dzinoshanda neUniversity of Zimbabwe pamwe neUniversity of California - San Francisco kuAmerica, dzinoti vanhukadzi vakawanda vaifanirwa kunge vachishandisa mishonga yekunwa kana kuzora nhengo dzavo dzakavandika senzira yekudzivirira HIV, havana kutevedza zvaidiwa neongororo iyi, izvo zvakapa kuti ongororo iyi isabudirire.

Ongororo iyi inonzi Vaginal and Organ Interventions to Control the Epidemic kana kuti Voice yakatanga muna 2009 ikapera muna 2012 uye yakaongorora madzimai zviuru zvishanu nemakumi maviri nevapfumbamwe muZimbabwe, South Africa nemuUganda.

Vachibudisa zvakabuda muongororo iyi, chipangamazano munyaya dzehutano, uye vari mukuru weVoice, Doctor Nyaradzo Mgodi, vanoti madzimai mazana matatu ane gumi nevanomwe, vakabatwa neHIV paiitwa ongororo yekudzivirira madzimai kuti asabtwe nehutachiona. Asi Doctor Mgodi vanoti zviri kuratidza kuti mishonga iyi haina kushanda nekuti madzimai anga ari pachirongwa iyi, anga asingamwe mishona iyi sezvinodiwa.

Doctor Mgodi vanoti vanofunga kudaro nokuti dzimwe ongororo dzakaitwa nemishonga iyi dzakashanda nekuti vanga vari pachirongwa ichi vaimwa mishonga iyi vachitevedza zvakatarwa.

Doctor Mgodi vanoti pamadzimai anga ari pachirongwa ichi, vazhinji vavo vanodarika zvikamu makumi manomwe kubva muzana, vainge vasingamwe kana kuzora mishonga iyi panhengo dzavo dzakahwandika dzemuviri sezvaidiwa nechirongwa ichi.

Doctor Mgodi nevamwe vavo vanoti havasi kufara nezvekabuda nekuti chinangwa chavo changa chiri chekutsvaga nzira dzekuti vanhukadzi vazvidzivirire kuHIV. Asi vanoti vanofara nezvakaitwa nemadzimai emuZimbabwe, ayo akashandisa mushonga uyu nemazvo.

Doctor Mgodi vanoti pamadzimai mazana matanhatu nemakumi matatu emuZimbabwe, madzimai manomwe chete ndiwo akabatwa nehutachiona. Doctor Mgodi vanoti vanofara zvikuru nezvakaitwa nemadzimai emuZimbabwe muchirongwa ichi nokuti vazhinji vavo vakanyatsotevedza zvainge zvakatarwa.

Vanotiwo kunyange hazvo makondomu aripo, hazvisi nyore kuti madzimai amanikidze varume vavo kuti vaashandise.

Ongororo iyi inoratidzawo kuti vasikana vasina kuroorwa vari kubatwa neHIV zvakanyanya izvo vati zvakakosha kuti vaongorori vawane imwe nzira kunze kwamakondomu inogona kudzivirira dambudziko iri.

Ongororo iyi inoratidzawo kuti kana munhu asingarware, hazvisi nyore kuti anwe mapiritsi senzira yekudzivirira HIV. Kunyange hazvo chirongwa ichi chakatadza kubudirira, vana chipangamazano vanoti havasi kuneta.

Pari zvino Universiy of Zimbabwe neUniversity of California - San Francisco dzave nechimwe chirongwa chekushandisa rhingi rine mishonga rinopfekwa mukati menhengo dzemadzimai, veginal ring, apo vanenge vachiita zvepabonde.

Chirongwa ichi chakatanga gore rapera muna Nyamavhuvhu, uye chichabata madzimai zviuru zvitatu nemazana manomwe munyika dzinoti Uganda, Zimbabwe neSouth Africa.

Zvichibuda muongororo iyi, iyo ine madzimai emuZimbabwe mazana mana nemakumi mashanu, zvichaburitswa muna 2015.

Nyaya Ina Sylvia Manika
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:23 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG