Vanhurume vakawanda munyika vanonzi havakoshesi nyaya yekuzvipinza munyaya dzekuronga mhuri kana kuchitariswa huwandu hwevanhurume vanotsvaka zvirongwa izvi kana kuperekedza madzimai avo.
Mushandi kuZimbabwe National Family Planning Council, VaDennis Mlambo, vanoti kunyange hazvo vachikurudzira kuti vanoda kuronga mhuri vauye vari vose murume nemukadzi, varume vashoma vari kupinda munyaya dzekuronga mhuri.
Mumwe mugari wekuBudiriro, VaJoshua Simango, vati ivo havapindi munyaya dzekuronga mhuri sezvo nzira zhinji dzekuronga mhuri dzakadai seJadelle, Loop nemapiritsi dziri nzira dzinoshandiswa nevanhukadzi chete.
VaLeon Moyo vanotiwo nzira yenguva refu yekusunga machubhu (vasectomy) inogona kushandiswa nevarume kweupenyu hwese.
Asi vanoti izvi zvinotyisa varume kuti vapinde munyaya dzakadai dzekuronga mhuri.
VaMoyo vakurudzira kuti kutsvakwe dzimwe nzira dzakawandawo dzinogona kushandiswa nevanhurume asi dzisiri dzehupenyu hwese.
Mumwe mugari wemuHarare, Amai Chido Madziya, vatiwo vanhurume nguva zhinji vanosaidzira madzimai ari ega kunyaya dzekuronga mhuri. Amai Madziya vati varume havadi kubatsirana nemadzimai mudzimba mukuronga mhuri.
Asi VaHarrison Dube vanoshanda nesangano rakazvimirira reChiedza Childcare vaudza Studio7 kuti vanokoshesa zvikuru nyaya yekuronga mhuri sezvo zvichivabatsira kuti vana vavo vakure zvakanaka vakavasiyanisa.
VaDube vati pamusoro pekusungwa zvachose, vanhurume vane mukana wekushandisawo makondumu chero hazvo achishandiswa zuva nezuva.
Vanhurume vazhinji vaudzawo Studio 7 kuti havana ruzivo rwakanyanya nezvekuronga mhuri, kanawo nzira dzinogona kushandiswa nemadzimai avo.
Vakurudzira masangano anodzidzisawo nezvekuronga mhuri kuti vaitewo zvirongwa zvekudzidzisa vanhurume zvakawanda.
Facebook Forum