Accessibility links

Breaking News

Vatori veNhau Vasere Vanosungwa muZimbabwe


Masangano anomirira vatori venhau ashora zvikuru kusungwa kwevashandi vasere vesangano renhau rekuBritain re Afronews Media Agency ridaidzwa kuti A-TV, achiti izvi zvinoipisa chimiro chenyika nyika apo yakatarisira kuita musangano mukuru unounza vanyarikani weWorld Tourism Organisation gore rinouya.

Kusungwa kwevashandi ava kwatsamwisa sangano revatapi venhau reZimbabwe Union of Journalists. Munyori mukuru wesangano iri, VaFoster Dongozi, vati hurumende iri kuzvikanganisa nekusunga vatori venhau.

Mukuru wesangano reMedia Institute of Southern Africa – Zimbabwe, VaNhlanhla Ngwenya, vashorawo zvaitika izvi uye vati vanotarisira kuti kushungurudzwa kwevatori venhau kuchawedzera nemaitiro akadai ehurumende.

Vashandi veATV, avo vakasungwa neChitatu manheru, vaswera vari kumapurisa paHarare Central. Paenda Studio7 pamhepo, vanga vachiri kubvunbzurudzwa nemapurisa. Vashandi ava vanosanganisira mupepeti wekambani iyi, Sifelani Tsiko, John Nyashanu nevamwe.

Gweta ravo, VaFarai Mushoriwa, vati vanotarisira kuti vanhu ava vachaburitswa muhusungwa neChina manheru sezvo vasina mhosva yavari kupomerwa.
Zimbabwe ndeimwe yenyika dzinozivikanwa nekushungurudza vatori venhau neavo vanorwira kodzero dzevanhu pasi rose.

Nyaya Ina Irwin Chifera
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:13 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG