Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Media Commission Youmba Komiti Ichaongorora Mashandiro eVatori veNhau


Sangano rinopa vatori venhau marezenisi, reZimbabwe Media Commission, inoti riri mushishi yekugadzirira kuumba boka idzva rinonzi Zimbabwe Media Council richange richiongorora mashandiro evatori venhau pamwe nekuisa mitongo inozopihwa vatori venhau vanoburitsa manyepo.

Sachigaro veZimbabwe Media Commission, Va Godfrey Majonga, vakaudza vatori venhau ku Kwekwe svondo rino kuti boka idzva iri richange ravapo mukupera kwemwedzi uno.

Asi izvi hazvisi kufadza masangano evatori venhau akazvimirira. Masangano aya anoti uku kuda kuvhiringa vatori venhau, kana kuvasunga pachishandiswa mitemo yakaita se Access to Information and Protection of Privacy Act, kana kuti AIPPA.

Asi VaMajonga vanoti Zimbabwe Media Council haisi kutsvaga kusunga kana kuvhiringa vatori venhau.

Sangano rakazvimirira riri kuita basa rinonzi richange roitwa neZimbabwe Media Council iri kuda kuumbwa, re Voluntary Media Council of Zimbabwe, rinotiwo harione zviri kuda kuitwa neZimbabwe Media Commission zviine musoro.

Mukuru wesangano iri, Va Takura Zhangazha, vanoti sangano ravo harisi kuzoshanda ne Zimbabwe Media Council nekuti chinangwa chayo ndechekupinza vatori venhau parumananzombe.

Vakawanda vanoti Zimbabwe Media Commission, iyo yakamanikidzwa kutora semushandi mukuru wayo vaimbova sachigaro veMedia and Information Commission, VaTafataona Mahoso, inofanirwa kusiya basa iri richitwa neVoluntary Media Council of Zimbabwe.

VaMahoso vanozivikanwa mune zvakashata zvichitevera kushandiswa kune hutsine mukati kwavakaitiswa nevaimbove gurukota rezvekuburitswa kwemashoko, VaJonathan Moyo.

VaMahoso ndivo vaive pamberi pakavhara mapepanhau eDaily News, Daily News on Sunday ne Tribune.

XS
SM
MD
LG