Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Media Commission Inoti Haina Mari Yekutanga Basa


Sangano rinoona nezvekupiwa kwemvumo yekushanda kwevatori venhau uye kupa marezinesi kumapepanhu, reZimbabwe Media Commission, kana kuti ZMC, rinoti harisati rawana mari yekuti ritange basa rekunyoresa mapepa nhau anoda kutanga kuita basa muZimbabwe.

Sachigaro wekomisheni iyi, VaGodfrey Majonga, vanoti vakaisa chikumbiro chekutsvaga mari kubazi rezvemari kuitira kuti vatange kuita basa ravo. VaMajonga vanoti pari zvino vane mari shoma yavanayo, iyo isingakwanise kuita basa rakawanda.

Nyanzi munyaya dzekufambiswa kwemashoko dzinoshora zvikuru nyaya iyi dzichiti izvi zvava kureva kuti zvichatora nguva yakareba kuti vanoda kutanga mapepanhau akazvimirira vaite izvi.

Mutevedzeri wevanoona nezvekufambiswa kwezvirongwa musangano reMedia Monitoring Project of Zimbabwe, Edson Madondo, vanoti komisheni iyi inofanirwa kuita basa rayo, uye kuti hurumende inofanirwa kuwanira komisheni iyi mari inoikwanira.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kubazi rezvemari kana richatambira chikumbiro che ZMC nekukurumidza.

XS
SM
MD
LG