Accessibility links

Breaking News

Vatsigiri veMDC-T Voona Zvakasiyana Nyaya Yekuti VaTsvangirai Vasiye Basa reHutungamiri


VaMorgan Tsvangirai
VaMorgan Tsvangirai

kunyange hazvo bato reMDC-T rakaramba mashoko ekuti mutungamiri waro VaMrogan Tsvangirai vave kuzosiya basa, vatsigiri vebato iri mudunhu reMasvingo vave nepfungwa dzakasiyana-siyana pamusoro pemashoko ekuti mukuru wavo angangosiya chigaro ichi nenyaya yehutano hwake husiri kuita zvakanaka.

Vamwe vatsigiri vebato iri kuMasvingo vanonzi havasi kuwirirana kuti kana mutungamiri wavo akaronga kusiya basa ndiyani anenge otora chigaro ichi.

VaTsvangirai vane vatevedzeri vatatu pari zvino, vanoti VaElias Mudzuri, avo vakafanobata chigaro chemutungamiri, VaNelson Chamisa pamwe naMuzvare Thokozani Khupe.

VaTsvangirai vane chirwere chegomarara uye vakatura mashoko neMuvhuro amamiriro akaita zvinhu munyika panguva iyo zvikoro zviri kuvhurwa, ayo ave kanzi nevamwe anenge airerekera kuti vainge voda kusiya chigaro chekutungamira bato iri.

Vamwe vatsigiri veMDC-T vanoti vari kutya kuti VaTsvangirai vakasiya basa, zvinenge zvoreva kuparara kwebato guru rinopikisa munyika iri.

Asi vamwe vanoti bato iri rine gwara rakajeka uye bumbiro rekuti vatungamiri vanosarudzwa sei.

Muzvare Esther Chimanikire vanoti VaTsvangirai vanenge vaita pfungwa dzakanaka kana vakafunga kuzorora, asi bato ravo rinofanira kusarudza mumwe mutungamiriri murunyararo richitevedzera bumbiro remutemo webato.

Muzvare Chimanikirevanoti vanofunga kuti VaTsvangirai kana vakazofunga kusiya chigaro, zvinhu zvinenge zvichikudzwa asi panodiwa munhu anenge akasimba.

"Hazvina hazvo kushata kuti chigaro chipihwe mumwewo anenge achionekwa kuti akakodzera zvichienderanawo nebumbiro remutemo weMDC, kwete kupana zvigaro pasina kutevedzera mutemo," Muzvare Chimanikire vanodaro.

Asi vamwe vanoti VaTsvangirai dai vambomira kusiya chigaro ichi nekuti ndivo musimboti webato unobatanidza vanhu muMDC.

VaKennedy Chiwani vanoti dai vanhu vambomira kunetsana nekuti VaTsvangirai vasiye basa vachiti vanofanira kuvanamatira kuti vapore votungamira bato musarudzo dzegore rino vozosiya zvavo.

“Ndoona sekuti dai vakamboti mire zvavo mbichana tipinde muma elections tinavo tichinyatsoziva kuti tinaye mutungamiriri wedu watagara tinaye, nekuti vaka stepper down izvezvi zvichakonzera confusion nekuti vose vari kumashure kwavo vanoda chigaro ichochi mumwe achadhonzera kwake popedzisira paita division ye ma supporters.”

Pamadandemutande pari kuswera paine kupokana kwepfungwa vamwe vachitsigira nyaya yekuti VaTsvangirai vachinozorora vachikanda mazita evatevedzeri vavo vanogona kuvatsiva.

Asi nyanzvi munyaya dzezvematongerwe enyika, Doctor Takavafira Zhou, vanoti vanhu dai vambomira kuita makakatanwa panyaya iyi nekuti VaTsvangirai mumashoko avo havana kuti vave kusiya basa iye zvino.

“Nyaya iyi inoreva kuti VaTsvangirai vanotaura kuti pakutungamiria panofana kunge pane succession plan, ende zvavanotaura ndezvekut vanovatevedzera vanovaVaMudziri, VaThokozani Khupe naVaChamisa saka varikuvatirena kuti vazovatsviva, hazvirevi kuti vati vatova kusiya chigaro ichi izvezvi," vanodaro Doctor Zhou.

Asi rimwe gweta, VaTapiwa Gondo, vanoti MDC-T inofanira kutevedzera bumbiro remutemo yaro yoita kongiresi yekutsiva VaTsvangirai kana vasiya chigaro, asi nguva yacho yavari haina kumira zvakanaka nekuti sarudzo dzava pedyo.

“Sekuona kwangu situation yavari iri tricky nekuti sarudzo dzave kusvika asi vanofanira kuita extra ordinary congress, kuti vakwanise ku marketer candidate yavo yavanenge vasarudza saka recommendation kungoita extra ordinary congress vosarudza munhu as soon as they can,” vanodaro VaGondo.

Bato reMDC neChipiri rakazivisa zvaro kuti VaTsvangirai havasi kuzosiya basa uye vachakwikwidza sarudzo dzegore rino.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:18 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG