Accessibility links

VaGutu Voramba Mashoko Akaburitswa neDaily News Vachiti Manyepo

  • Irwin Chifera

Obert Gutu

Bato reMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai raramba mashoko abuda mune rimwe bepanhau ekuti VaTsvangirai vakadoma mumwe wevatevedzeri vavo, Muzvare Thokozani Khupe, kuti vafanobata chinzvimbo chavo apo vari kuzorora mushure mekurapwa kuSouth Africa.

Mutauriri webato iri, VaObert Gutu, avo vanonzi nebepanhau reDaily News ndivo vakataura mashoko ekuti Muzvare Khupe ndivo vakadomwa kusanobata chigaro chaVaTsvangirai, varamba kuti vakataura mashoko aya.

VaGutu vati vatevedzeri vaVaTsvangirai vatatu vanoti Muzvare Khupe, VaNelson Chamisa naVaElias Mudzuri, vane mabasa avanoita.

VaGutu vati ivo basa ravo nderekutaurira bato, uye VaLuke Tamborinyoka ndivo mutauriri waVaTsvangirai.

Vati Studio7 ibate VaTamborinyoka kuti tinzwe pavamire panyaya iyi.

Hatina kukwanisa kutaura naVaTamborinyoka kuti tinzwe divi ravo sezvo vange vakabatikana.

Mukupera kwesvondo VaTamborinyoka vakaburitsa mashoko ekuti VaTsvangirai havasi kudoma anosanobata chinzvimbo chavo uye vaida kuti vatevedzeri vavo vatatu vagare pazvigaro zvavo vachiita mabasa avo.

Vakati Muzvare Khupe vanenge vachiona nezvemadzimai nemafambisirwo emusangano, VaMudzuri vachiona nezvekuronga misangano nesarudzo, kozoti VaChamisa vachiona nezvegwara rebato pamwe nekudyidzana nevekunze.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG