Accessibility links

Breaking News

VaChamisa Vanoti MDC Alliance Ndiyo Ichaumba Hurumende Itsva


MDC Alliance Rally Chegutu

Mutungamiri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa, vanoti mubatanidzwa wavo weMDC Alliance ndiwo uchaumba hurumende itsva mushure mesarudzo dzegore rino.

Vachitaura kuzviuru zvevanhu vaungana munhandare yePfupajena muChegutu, VaChamisa vati zviri pachena kuti ndivo vachaumba hurumende itsva mushure mesarudzo dzegore rino.

VaChamisa vati havasi ivo vega vari kuzviziva vachiti vari muhurumende, nemunhu wese ari kuzviziva nekuzvinzwa vachiti vangomirira nguva yekuti zvizadziswe.

VaChamisa vati zvavari kutaura pamisangano yavo zviri kunzwikwa nevakuru vakuru muhurumende vanosanganisira mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaConstantino Chiwenga, avo vave kuzvitevedzera.

VaChamisa vati hapana chakaipa kuti vechidiki vatonge nyika ino sezvo VaChiwenga nevamwe vavo vakaenda kuhondo vari vadiki.

VaChamisa vati manifesto yebato reZanu PF yakaparurwa zviri pamutemo neChishanu, ipfungwa dzavo dzavaitaura dzakatorwa nebato iri, asi vati chakasiyana ndechekuti bato reZanu PF harigone kuita zvarakanyorwa mugwaro iri.

VaChamisa vati ndosaka nhengo dzavo dzaitsvaga rutsigiro rwesarudzo dzema primary adzo vaiti vakavhoterwa vachagadzirisa migwagwa, vachikanganwa kuti ndivo vari panyanga vari kutadza kugadzirisa migwagwa yacho.

Mumwe apinda musangano uyu, VaNorman Waze, vati zvataurwa naVaChamisa zvinoitika sezvo zvakaitwa nedzimwe nyika uye vakazviita panyaya yenharembozha pavanga vari muhurumende yemubatanidzwa.

VaChamisa vatiwo vachange vari mhiri kwemakungwa naVaTendai Biti neChipiri vachitaura nevemabhizinisi kuti vagadzirire kuuya kana vaumba hurumende yavo mushure mesarudzo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:52 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG