Accessibility links

Breaking News

MDC Alliance Inodoma VaChamisa Kukwikwidza Musarudzo yeMutungamiri weNyika


Movement for Democratic Change (MDC) acting leader Nelson Chamisa addresses party supporters in Harare, Zimbabwe, Feb. 19, 2018.

MDC Alliance yadoma mutungamiri weMDC-T, VaNelson Chamisa, kuti vakwikwidze chigaro chemutungamiri wenyika zvichitevera kushaya kwaVaMorgan Tsvangirai.

Pamusangano wavaita nevatori venhau muHarare neChishanu, mutauriri weMDC Alliance, VaWelshman Ncube, vati vanovimba naVaChamisa, kunyange hazvo muMDC T mune makakatanwa munyaya dzehutungamiri hwebato iri.

VaChamisa vati vanonzwa kuzvininipisa zvikuru nebasa guru ravapiwa nemapato avari kushanda nawo.

VaChamisa vatiwo MDC Alliance ine zvinhu zvitatu zvairi kuvimbisa vavhoti zvinoti shanduko yakakwana yechokwadi, kuwaniswa kwemikana kuvana veZimbabwe vese pamwe nebudiriro.

VaChamisa vakumbirawo ruregerero nemabatirwo akaitwa vatori venhau nevechidiki mubato ravo. Vavimbisa kuti vari kuongorora nyaya iyi vakati havawirirani nekushungurudzwa kwevatori venhau.

MDC Alliance ine mapato manomwe anoti MDC T, MDC yaVaNcube, People's Democratic Party, Transform Zimbabwe, Zimbabwe People First, Multi-Racial Democratic Party neZanu Ndonga.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:51 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG