Accessibility links

Breaking News

MDC Alliance neMDC T Dzotatsurana Pamusoro peMari Inopihwa Mapato neHurumende


Mutungamiri weMDC Alliance VaNelson Chamisa

Nemusi weChipiri dare repamusoro reHigh Court rakatura mutongo wakarasa nyaya yakanga yakwidzwa nebato reMDC Alliance yekuti dare iri rimise hurumende kupa mari inopiwa mapato ane humiriri muparamende pasi pemutemo wePolitical Parties (Finance) Act kubato reMDC –T rinotungamirirwa naVaDouglas Mwonzora.

Mumagwaro aro kudare iri, bato reMDC Alliance raida kuti dare repamusoro iri rimise bazi rezvemari kuendesa mari inoita $29 970 000.00 yemadhora emunyika kuMDC-T sezvakanga zvaturwa nedare iri gore rapera.

Zanu PF, iyo ine nhengo dzakawanda mudare reparamende, iri kuwana $71 130 000.

Asi bato reMDC-T rakapikisawo richiti MDC Alliance hayaifanirwa kupiwa mari iyi sezvo yakanga isiri bato rezvematongerwo enyika, sezvakanga zvaturwa nemumwe mutongi wedare repamusoro JusticeTawanda Chitapi mune imwe nyaya yakadai yainetsana mapato maviri aya mudare reHigh Court.

Vachirasa nyaya iyi neChipiri, mutongi wedare repamusoro Justice Philda Muzofa vakati vaimira nemutongo wekutanga wekuti MDC Alliance haisi bato, nekudaro haifanirwe kuwana mari iyi.

Asi mutongo uyu wakasimudza mutauro mukuru munyika vamwe vachiti dare rakatonga zvakanaka, ukuwo vamwe vachiti mutongo uyu une zvematongerwo enyika mukati.

Munyori webato reMDC-T ,Advocate Brian Dube, vanoti sebato, vanotsigira mutongo uyu sezvo zvakaturwa nedare zviri zvinhu zviri pachena kuti mubatanidzwa weMDC Alliance wakanga ungori wekupinda nawo musarudzo, kwete kuti raive bato rezvematongerwo enyika.

Advocate Dube vanoti chibvumirano chakanyoreranwa pasi chinoti bato rega rega richaramba rakazvimirira rega, zvichireva kuti kana sarudzo dzapera bato nebato raidzokera paraive riri pekutanga, pekuzvimirira roga zvichireva kuti MDC yakadzokera pakuve bato rakazvimirira.

Asi mutewedzeri wemutauriri weMDC Alliance, VaClifford Hlatywayo, vanoti mutongo wedare uyu une zvematongerwo enyika sezvo wakanangana nekuparadza bato ravo.

VaHlatywayo vanoti Zanu PF iri kuenderera mberi ichishandisa matare pamwe neMDC-T mukuparadza MDC Alliance kuburikidza nekudzinga nhengo dzavo muparamende nemumakanzuru, uye nekusungwa-sungwa kwenhengo dzebato ravo.

Hurukuro naVaClifford Hlatywayo pamwe naAdvocate Brian Dube
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG