Accessibility links

Breaking News

Kuwanda kweMapato eMatongerwo eNyika Kwotemesa Vamwe Musoro


Zimbabwe Electoral Commission, kana kuti ZEC, inoti pane mapato anodarika zana nemasere akazivisa kuti anoda kukwikwidza musarudzo dzegore rino.

Huwandu uhu huri kukatyamadza vanhu vakawanda vachitarisawo huwandu hwevanhu vari munyika.

Vamwe vanoti bumbiro remutemo wenyika rinofanira kuvandudzwa kuitira kuti ZEC ipihwe masimba ekupepeta mapepa emapato ose poregedzwa kungoitwa gumba zvose.

Asi vamwe vanoti ikodzero yevana veZimbabwe kuumba mapato kana vachida kukwikwidza musarudzo nekuti ndizvo zvakarwirwa hondo yerusununguko.

Mutauriri webato reNational Constitutional Assembly, VaMaddock Chivasa, vanoti mapato ezvematongerwo enyika anofanirwa kuziva kuti kupinda mune zvematongerwo enyika ibasa guru uye zvinoda kushinga.

Nhengo yeZanu-PF inomirira Mazowe South mudare reparamende varizve mutevedzeri wemunyori wezvemutemo muZanu-PF, VaFortune Chasi, vanoti nekuwanda kwaita mapato, zviri nani kuti achinyoreswa neZEC pachitariswawo kuti ane vanhu here.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:15 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG