Mutungamiririri weMDC-T VaNelson Chamisa nevamwe vari muhutungamiriri hwebato reMDC-T vanosanganisira munyori mukuru webato, VaDouglas Mwonzora vakapinda mumusangano nevamiririri veUNDP muHarare nezuro masikati umo vakakurukura nezve sarudzo dziri kuuya pakati paChikunguru naNyamavhuvhu.
Vachitaura neStudio 7, VaMwonzora vakati vainge vakumbira UNDP kuti ione kuti munyika maitwa sarudzo dzakachena.
Zvichakadaro, vanoona nezverunyararo nekugadzikana kwezvinhu muMDC-T VaGiles Mutsekwa, avo vakapiwa basa rekuongorora mhirizhonga dzakaitika kuBuhera pakuradzikwa kwaVaMorgan Tsvangirai uye kumahofisi kwebato iri kuBulawayo mazuva mashoma apfuura, vanoti vapedza ongororo yavo panyaya yemhirizhonga iyi uye vari kuendesa zvavakawana muongororo iyi kumutungamiri webato, VaChamisa.
Facebook Forum