Vaimbova mumiriri weAmerica muZimbabwe Ambassador Charles Ray vanoti Zimbabwe inokwanisa kubuda mumadhaka mairi ikaremekedza kodzero dzevanhu nekuitawo sarudzo dzakachena.
VaRay vaive mumiriri weAmerica muZimbabwe, kubva mugore ra 2009 kusvika muna 2012.
Ambassador Ray vanoti hupenyu hwavakararama muZimbabwe panguva yakavavhurawo maziso pane zvakawanda, "Vanhu vemuZimbabwe vakadzidza, inyika ine zvicherwa zvakawanda, uye zvivakwa zvizhinji." Vanoendereramberi vachitiwo, "Zvivakwa izvi zvinoda kuchengetedzwa. Handina kufarira kuti zvinhu hazvina hazvo kunyaya kushanduka munguva yandakagara mu Zimbabwe asi ndichine ndangariro dzenzvimbo dzakaita seVictoria Falls, Great Zimbabwe, nemhuka dzesangao dzakawanda .Izvi zvose zvinoda kuratidzwa dzimwe nyika dzisingazivi."
VaRay avo vaive muZimbabwe munguva iyo nyika yaitongwa naVaRobert Mugabe vanoti nyaya yekutyorwa kwekodzero dzevanhu yaivashungurudza zvikuru.
Kunyangwe hazvo hurumende yaipomerwa mhosva yekutyora kodzero dzevanhu, Varay vanoti vaive nedzimwe shamwari dzine chitsama muhurumende iyi.
Tabvunzawo kuti vakambogarawo pasi here semumiriri weAmerica muZimbabwe, nehutungamiririr hwehurumende dzeAmerica neZimbabwe vachiedzawo kuona kuti vangabatsire sei munyaya yezvirango zvakatemerwa Zimbabwe neAmerica kuti zvirerutswe kana kuti zvisakanganise hupenyu hwevanhuwo zvavo vasiri muhutungamiriri hwezvematongerwo enyika? VaRay vapindura vachiti, ''Hakuna kutemerwa vanhuwo zvavo zvirango zvehupfumi , asi hurumende nevanhu vangangosvika mazana maviri vaive muhutungamiriri hwenyika." Vanotizve, "Zvirongwa zvaimiswa ndezve kupa mari kuhurumende yeZimbabwe ichibva kuAmerica iri nzira yekuedza kuonesa vakuru venyika yeZimbabwe kuti vachinje maitiro."
Panyaya yesarudzo dzemunyika, VaRay vatiwo ishuviro yavo kuti dzive dzakachena . Vatiwo pavakaenda kuZimbabwe kwanga kuchangobva kugadzwa hurumende yemubatanidzwa yeZANU PF, MDC ne MDC-T kunyangwe hazvo MDC-T yaive yakunda musarudzo dza 2008. Tavabunnza kuti mubatanuidzwa uyu wanga wakanakira nyika ye Zimbabwe here panguva iyi? Vanoti, "Hurumende yemubatanidzwa ingadai yakaita basa rakawanda uye rakakura asi izvi hazvina kugoneka nekunetsana kwemapato eMDC-T neZANU PF. Bato re MDC-T rakaita zvakanaka kubvuma kupinda mumubatanidzwa kuitira hupenyu hwevanhu hwage hwava munjodzi huite zvakanaka. Vakafungawo nezveramangwana revatsigiri vavo."
Mutungamiri weMDC-T VaMorgan Tsvangirai vanonzi nevakawanda vainge vakuda VaMugabe musarudzo dza2008. Asi hurumende inoti vakatadza kusvika mavhoti aidiwa zvakapa kuti sarudzo dzemutungamiri wenyika dziitwe kechipiri. Asi sarudzo idzi hadzina kuzoitwa sezvo VaTsvangirai vanoti vatsigiri vavo vainge voitwa kafiramberi nevatsigiri veZanu-PF.
Panyaya yekuumba hurumende yemubatanidzwa, VaRay vati havana zvakawanda zvavakabatsira nazvo sezvo vainge vachangopinda muhofisi., "Sekuziva kwangu , hakuna mumiririri weAmerica akapinda munhaurirano idzi nekuti kwaitove nemapoka aivabatsira akaitsa saana SADC, AU ne nyika dzakaita seSouth Africa neBritain dzine hukama neZimbabwe hwaienda kure."
Ambassador Ray vanotiwo vanoshuvira nyika yeZimbabwe zvakanaka mune remangwana. Vachangewo vachitaura semufakazi nemusi weChitatu kudare reHouse Committee on Foreign Affairs muWashington DC pachange pachikurukurwa ne zvemamiriro akai zvinhu muZimbabwe kubva VaMugabe zvavasiya basa.
Facebook Forum