Accessibility links

Breaking News

National Blood Services Zimbabwe Yokumbira Vanhu Kuti Vabatsire neRopa reMhando ye"O" Iro Ropera muMatura


Sangano reNational Blood Services Zimbabwe riri kukumbira veruzhinji kuti vari batsire neropa rwemhando ye Blood Group “O” sezvo mudura mavo musina chinhu.

Vanoona nezvekufambiswa kwemashoko musangano iri, Muzvare Esther Masunda vaudza Studio 7 kuti mhando yeropa rwe”O” yakakosha zvikuru nekuti ropa racho rinoshandiswa nevane ropa redzimwe mhando. Muzvare Masunda vatiwo ropa remhando re”0” ndoro ririkunyanyotengwa nezvipatara.

Vatiwo kunyangwe hazvo vane dzimwe mhando dzeropa vachikwanisa kushandisa “O” panozonetsa ndepekuti vemhando iyi havagoni kushandisa rimwe ropa risiri remhando yavo.

Munyori mubazi rezvehutano, Dr Gerald Gwinji, vanotiwo bazi ravo riri kusimbaradza kushanda pamwechete neNBS kuitira kuti nyika iwane nzvimbo dzakawanda dzekuti vanhu vanopa ropa vakwanise kuita izvi zviri nyore.

Sangano reNBS rinowana ropa rekuisa mudura reropa kune veruzhinji vanopa pachena uye vanofamba vachitsvaka ropa iri kunzvimbo dzakasiyanasiyana. NBS inotiwo mumwedzi uno waKukadzi inenge ichikurudzira veruzhinji kuti vape ropa rwerudzi rwe”O” iri.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG