Accessibility links

Breaking News

Chirwere cheCholera Chokonzera Kunetsana Pakati peHurumende nevechiMuslim


Chirwere chekorera icho chakauraya vanhu vana mwedzi wapera muChegutu, chava kukonzeresa mutauro pakati penhengo dzechitenderano cheMuslim nevakuru vezvehutano pamwe nevematongerwo enyika.

Mugwaro raro rekubvuma kuti chirwere chekorera chainge chauraya vanhu vana muChegutu, bazi rezvehutano rakati mavigirwo anoitwa vafi nenhengo dzechitendero cheMuslim, zvimwe zvezvinhu zvakakonzeresa kuti chirwere chekorera chipararire muguta iri.

Gwaro iri rinoti pakafa Ambuya Laita Mungulisia, pavanhu vakageza mufi, vatatu vavo vakafawo, mumazuva mashoma akatevera, zvichikonzerwa nemagezero avakaita mufi.

Nhengo dzechitendero cheMuslim dzinoti hadzina kufara nemashoko akaburitswa nebazi rezvehutano.

Munyori mukuru wechitendero ichi muChegutu, VaIdhi Chiutila, vanoti magezero avanoita nhengo dzavo dzinenge dzafa akasiyana nezvinoitwa nemamwe makereke kana pachivanhu. Asi vanoti havasvine matumbu sezvinotaurwa nevakawanda.

VaChiutila vanoti vanogeza mufi semagezero aayiita achiri mupenyu uye mvura inenge yageza munhu anenge afa inoraswa zvine hutsanana sezvo zvichiitirwa mumba yakagadzirirwa izvozvo.

VaChiutila vanoti manyepo kuti nhengo dzavo dzinosvina matumbu emunhu anenge afa sezvinotaurwa nevanhu vakawanda. VaChiutila vanoti manyepowo zvakare kuti varume ndivo vakageza mudzimai akatanga kufa, sezvo mudzimai achigezwa nemamwe madzimai, murume achigezwa nevarume.

Izvi zvinotsigirwa nemumwe wechitendero cheIslam, VaBenjamin Yusuf, avo vanoti murume anogezwa nevarume, mukadzi nevakadzi sezvinoitwa kutsika nemagariro evanhu vakawanda.

VaYusuf vanoti zvinhu zvavanoita kune munhu anenge afa vanozviita pachena hama dzemunhu anenge afa dziripo. VaYusuf vanoti vanhu vakaburitsa mashoko ekuti vanosvina matumbu emunhu anenge afa akatadzira maMuslim pasi rose.


VaChiutila vanoti havasi kufara nemashoko akaburitswa uye vanokurudzira vanhu vakaburitsa mashoko emanyepo aya ivavo kuti vavakumbire ruregerero sezvo vakatadzira chitendero cheIslam.

Kunyange vatendi veIslam vachibvuma kuti chirwere chekorera chirimo muChegutu, vanoti nhengo yavo haina kufa nekorera, asi nechirwere cheshuga.

Imwe nhengo yechitendero cheMuslim, VaDavid Salim, vanoti Ambuya Mungulisia vakafa nekuda kwechirwere cheshuga.

Patabvunza VaChiutila kuti sei vanhu vakafa vari vechiMuslim chete pari zvino, VaChiutila vanoti kune vanhu vakawanda vari kufa vasiri kutaurwa nezvavo vasiri nhengo dzavo, uye vanhu vari kurapwa vakawanda hadzisi nhengo dzavo.

Gurukota rezvehutano, Dr David Parirenyatwa, vanoti vanoremekedza zvitendero zvose zviri munyika, vachiti zvitendero izvi zvinofanirwawo kuita zvine zvinobatsira vatenderi vazvo.

Nyanzvi munyaya dzezvitendero, VaTonderayi Makaya, vanotiwo tsika dzezvitendero hadzifanirwe kuisa hupenyu hwenhengo dzavo panjodzi munyaya dzehutsanana.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:58 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG