Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Vopeta Musangano Wavo weKutanga kuAfrican Union


VaRaila Odinga naVaEmmerson Mnangagwa

Musangano wechimakumi matatu weAfrican Union kana kuti 30th AU Summit wakapera muAddis Ababa, Ethiopia nemusi weMuvhuro.

Gurukota rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika Retired Lieutenant General Sibusiso Moyo vachiti komishina anoona nezverunyararo kana kuti Commissioner for Peace and Security vachitenda Zimbabwe nekuvandudza hurumende pasina mhirizhonga.

VaMoyo vanoti VaMnangagwa vakaona mukana wekuti vataure nevamwe vatungamiri venyika dzemuAfrica nezvekusiya basa kwevaive mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe.

Vanoti VaMnangagwa vakaudzawo vatungamiri ava kuti VaMugabe vakachengetedzwa zvakanaka murunyararo. VaMnangagwa vakataura kekutanga pamberi peAfrican Union nemusi weSvondo.

Mutungamiri wenyika yeRwanda VaPaul Kagame ndivo vakasarudzwa kuita sachigaro weAfrican Union. Zimbabwe nedzimwe nyika shanu yakapihwa mubayiro weAfrican Leaders Malaria Alliance (ALMA). Dingindira regore range rakanangana nekurwisa nyaya dzehuori muAfrica.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika Doctor Ricky Mukonza vanodzidzisa paTswane University vanoti kurwisa huori kunonetsa munyika yakaita seZimbabwe.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:48 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG