Accessibility links

Breaking News

Vakaremara Voratidzira muHarare Vachiti Vari Kutyorerwa Kodzero Dzavo


Vakaremara nemusi weChitatu vakaratidzira muHarare vachinyunyuta nekusaremekedzwa kwekodzero dzavo munyika.

Mumwe wevanga vari pakuratidzira apa ndiMuzvare Nasper Manyau avo vati vanhu vane hurema vari kurarama hupenyu hwakaomarara zvikuru munyika nekuda kwekushaikwa kwemabasa.

Muzvare Manyau vatiwo mitengo yezvinhu zvinoshandisiwa nevakaremara zvakaita semawheelchair zvinodhura.

Vawedzerawo vakati mahofisi mazhinji ehurumende haasi nyore kushandiswa nevakaremara zvinozopa kuti itadze kuudza vamwe vanezvivakwa zvavo kuti vagadzirise dambudziko iri.

Munyori mukuru musangano ratungamira kuratidzira uku reZimbabwe People and Parents for Children with Disabilities (ZPPCD), VaNyasha Nhau vati hurumende nevanofanirwa kunge vachimiririra zvido zvavo havasi kuita zvavanotarisirwa kuita zvopa kuti vatambure.

Mumwezve anga achiratidzira, VaHenry Kane vatsigirawo vakati sevanhu vakaremara vave kuda kuzvimiririra pachavo muzvirongwa zvehurumende zvakasiyana-siyana sezvo varivo vega vanogona kunzwisisa matambudziko avo.

Vakaremara ava vasiya tsamba yenyunyuto kumahofisi emutauriri wedare reparamende VaJacob Mudenda, kuhofisi yemumwe mutevedzeri wemutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa vanovazve gurukota rinoona nezvemutemo uye kumahofisi egurukota rinoona nezvevashandi Amai Prisca Mupfumira.

Zvimwe zviri mutsamba yenyunyuto zvinosanganisira kutadza kwehurumende kutambira mutemo weUnited Nations Convention on the Rights of Persons with Disabilities, kutevedzera bumbiro renyika nekuisa mitemo yevakaremara inofambirana nezviri mubumbiro pamwe nekuti nzvimbo dzekuvhotera dziiswewo panzvimbo dziri nyore kuti vakaremara vakwanise kuvhota zviri nyore.

Nyaya Ina Patricia Mudadigwa
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:29 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG