Accessibility links

Breaking News

Amai Mujuru Vanoti Hondo Iri muZanu-PF Inoratidza Kuti VaMugabe Ndivo Dambudziko Guru


Amai Joice Mujuru
Amai Joice Mujuru

Mutungamiri webato rinopikisa reNational People’s Party avo vaimbova mutevedzeri wemutungamiri wenyika Amai Joyce Mujuru vanoti kukandirana makobvu nematete kuri kuitika muZanu-PF munongedzo wekuti matambudziko ose nekusabatana uku kuri kukonzerwa nemutungamiri wenyika VaRobert Mugabe.

Amai Mujuru vakadzingwa mubato iri muna Zvita 2014 vachipomerwa mhosva yekuda kuita amai mugabe kafiramberi. Asi Amai Mujuru vakaramba mashoko aya vachiti ndeemugotsi matsuro.

Iko zvino mave kunetsana kunotyisa muZanu-PF pakati pevari kutsigira mumwe mutevedzeri wemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa uye vari kudivi rinozivikanwa kuti Generation 40 vanonzi vave kutsigira gurukota rezvekudzivirirwa kwemukati menyika VaSydney Sekeramai.

Kunetsana kunotyisa kwakauya mushure mekunge pabuda runyerekupe rwekuti VaMnangagwa vainge vaisirwa muchetura kumusangano webato iri kuGwanda.

VaMnangagwa vakabva vaenda kunorapwa uye vakanzi navanachiremba vavo vambozorora vari kumba.

VaEmmerson Mnangagwa
VaEmmerson Mnangagwa

Izvi zvakapa kuti zvikwata zviviri izvi zvitange kunakurirana nyoka mhenyu nekupumhana huroyi zvakapa kuti VaMugabe mbune vapindire vachitsiura nhengo dzebato ravo kuti dzisiyane nenyaya yekupumhana huroyi.

Hurukuro naAmai Joice Mujuru
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:47 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG