Accessibility links

Mumwe Mutori weNhau Orohwa KuHarare Show Grounds Pange Pachishambidzwa MDC-T

  • Irwin Chifera

MDC

Bato guru rinopikisa munyika reMDC-T nemusi weChina range richiratidzirawo pamusika weHarare Agriculture Show asi zvinhu zvazoita mayama amire nerongo apo mumwe mutori wenhau Andrew Manyere arohwa nevanofungidzirwa kuti inhengo dzeZanu-PF.

Manyere uyo ange ari pasitendi yeMDC – T, arohwa mushure mekutora mifananidzo weimwe motokari yange ichidairka nepasitendi iyi iine number plate yange yakanyorwa kuti RG Mugabe.

Vange vachityaira motokari iyi, yerudzi rweChrysler ine ruvarwa rutsvuku, VaEfrain Chizola, vabva vaburuka mumotokari mavo ndokutanga kurova Manyere.

Manyere audza Studio 7 kuti ange ari kutora mifananidzo yezvange zvichiitika muShow apo arohwa.

VaChizola vange vave kuda kupinza Manyere mumotokori yavo zvine chisimbaasi azodzorwa nevamwe vake vange vakapeka mbatya dzeZanu PF.

Manyere abva asungwa nemapurisa uye hapana chikonzero change chapihwa kuti ainge ari kupomerwa mhosva yei.

Zvichakadaro mumwe mukuru mubazi revevechidki muMDC-T mudunhu reHarare, VaJeff Chaitezvi, vaudza Studio 7 kuti vanhu vakawanda vange vari kufarira zvinyorwa zvegwara nemitemo yeMDC T kana kuti maPolicy Documents.

Vatiwo vange vachida kuve nhengo dzebato iri vange vari kupihwa makadhi pachena.

VaChaitezvi vati mutungamiriri webato ravo, VaMorgan Tsvangirai vanotarisirwa kushanyira sitendi iyi nemusi weChishanu.

Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe, vanotarisirwa kuvhura show zviri pamutemo nemusi weChishanu.

Mutevedzeri wemukuru weZimbabwe Agricultural Soceity, VaIrvin Craig vaudza Studio 7 kuti show yegore rino yafamba zvakanaka chose kana zvichienzaniswa nedzimwe dzapfuura.

VaCraig vati, vanotarisira huwandu hwevanhu kukwira kutanga mangwana uye nhasi vatotanga kupa mubairo kuvarimi vakakunda nhasi.

Vakawana mibairo yepamusoro ndivo vachapihwa mibairo yavo naVaMugabe nemusi weChishanu.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG